WASHINGTON —
Mutungamiri weChina, Va Li Keqiang, vavimbisa musangano we World Economic Forum, WEF, kuti nyika yavo ichashandisa muAfrica mari inosvika mabhiriyoni makumi mana emadhora mukusimudzira dunhu iri.
Pamari iyi, Va Li vati mabhiriyoni gumi emadhora achashandiswa munyaya dzebudiriro, mabhiriyoni makumi matatu emadhora achashandiswa sezvikwereti.
China, ichishanda neAfrican Union, inoti iri kuda kuvaka njanji inobatanidza maguta ose emuAfrica uye kugadzira migwagwa nenhandare dzendege.
Hurongwa uhu hunobatawo Zimbabwe.
Mashoko edanho riri kutorwa neChina abuda mukupera kwemusangano wemazuva matatu we WEF wange uchiitirwa muguta guru reNigeria, Abuja, uyo wapera neChishanu.
Kunyange hazvo musangano uyu wabudirira, zvinonziwo wakamboita mhute nekuda kwekupambwa kwevanasikana vanodarika mazana maviri muNigeria nechikwata chinopfurikidza mwero cheBoko Haram.
Izvi zvakapa kuti vamwe vanosvika zvikamu gumi kubva muzana vainge vakokwa vasaende kumusangano uyu.
Muzvinabhizimisi uye vari sachigaro veZimbabwe Investment Authority, VaNigel Chanakira, avo vange vari kumusangano uyu, vanoti hurumende yeZimbabwe iri kurasikirwa zvikuru nekutadza kwayo kumirirwa kumisangano yakadai.