Mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga vanoti mutungamiri weMDC VaNelsonChamisa vanogona kusungwa chero nguva nenyaya yemhirizhonga yakaitika muHarare musi wa 1 Nyamavhuvhu. Nyaya in Thomas Chiripasi.
Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa vanoti vave kuenda kuvatungamiri venyika dzekunze senzira yekuedza kugadzirisa dambudziko rezvematongerwo enyika riri muZimbabwe panguva iyo bato ravo richingoronga kuratidzira kweveruzhinji munyika.
Sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe rinofora muHarare richinopa zvinyunyuto zvaro kumapazi ehurumende richiti rinoda kubhadharwa mihoro nemari yekunze sezvo ma bond notes asina zvaari kutenga. Nyaya ina Thomasi Chiripasi.
Vadzidzisi vari pasi pesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti PTUZ, varatidzira muHarare vachiti havasi kufara nemari yavari kutambiriswa nehurumende vachiti mari dzavo dzemihoro dzakafanana nemitero yembwa.
Vaimbova gurukota rezvehumhizha hwekufambiswa kwemashoko uye vari mumiriri weNyanga muparamende, VaSupa Mandiwanzira, vamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva mbiri dzekushandisa masimba avo zvisirizvo pavakange vachiri muhurumende.
Rimwe remagweta avo, VaBrian Hungwe, vaudza Studio 7 kuti VaMandiwanzira vari kupomerwa mhosva mbiri dzekushandisa masimba avo zvisirizvo pavakange vachiri muhurumende.
VaMagaya vamiswa pamberi pedare ramejasitiriti vachipomerwa mhosva yekutyora mutemo wezvehutano mushure mekuzivisa kwavakaita kuti vainge vawana mushonga unorapa HIV/AIDS wavari kudaidza kuti Aguma.
Mumwe wevabvunzurudzwa ndiVaTinomudaishe Chinyoka vanove rimwe remagweta emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Vabereki vane vana vanogara pazvikoro kana kuti boarding schools vanoti havasi kufara nekukwidzirwa kwavaitirwa mari dzevana dzechikoro panguva iyo zvinhu zvakaomera veruzhinji munyika.
Mapurisa arwisana mukati meguta reHarare nevanotengesera mumigwagwa pakati pedhorobha izvo zviri kunzi nevanorarama nekutengesa ava hazvisi pamutemo kunyange kanzuru ichiti vanhu ava vanofanirwa kutengesera munzvimbo dzakatarwa.
Veruzhinji vanoti vari kutambira nemaoko maviri kugadzwa kwakaitwa mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa semutungamiri wevanhu kana kuti People’s President nemusi weMugovera.
Vatsigiri veMDC vachifara pahurongwa hwekucherechedza kusvitsa kwayo makore gumi nemapfumbamwe.
Vachitaura pamhemberero idzi idzo dzaitirwa munhandare yeGwanzura iyo yanga yakazara zvekupfachukira, mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vatanga nekutenda veruzhinji nekuvavhotera vakurudzira kuti paitwe nhaurirano nehurumende yaVaMnangagwa senzira yekuedza kupedza gakava riripo .
Bato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa rinoti riri kucherechedza neMugovera kusvitsa kwaraita makore gumi nemapfumbamwe kubva paravambwa paine runyerekupe rwekuti riri kuronga kugadza VaChamisa semutungamiri wevanhu sezvakamboitwa VaRaila Odinga kuKenya.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti muntungamiri wenyika uye vari mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutadzisa kuti nhaurirano dzitange pakati pevaviri ava dziri kuda kuitwa dzichikokerwa nevedzisvondo.
Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo paMorgan Tsvangirai House muHarare, VaChamisa vati kusafambiswa zvakanaka kwakaitwa sarudzo ndiko kuri kukonzera kuti zvinhu zvisafambe zvakanaka munyika izvo zvave kupa kuti veruzhinji vaomerwe nehupenyu.
Vachitaura nevatori venhau muHarare manheru eChishnau mushure mekunzwa hufakazi, sachigaro wekomisheni iyi, Va Kgalema Motlanthe, vati vanogona kushevedza VaMnangagwa naVaChiwenga kuti vazopa hufakazi.
Vachipa humbowo hwavo kukomisheni iyi neChina muHarare, munyori mukuru muboka revechidiki reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaLovemore Chinoputsa, vati havaone komisheni iyi ichikwanisa kuita basa rayo zvakanaka sezvo dzimwe nhengo dzekomisheni iyi dzine divi radzakarerekera.
Rodhai zvimwe