Accessibility links

Breaking News

PTUZ Inosvitsa Nyunyuto Yayo kuHurumende


PTUZ Teachers Strike

Vamwe varaidzi varatidzira muHarare neChishanu vachiti vanoda kubhadharwa mari dzemihoro nemari yekunze sezvo vachiti vave kunhonga svosve nemuromo kubudikidza nekusamaira zvakanaka kwehupfumi.

Vadzidzisi vari pasi pesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti PTUZ, varatidzira muHarare vachiti havasi kufara nemari yavari kutambiriswa nehurumende vachiti mari dzavo dzemihoro dzakafanana nemitero yembwa.

Mumwe wevanga vachiratidzira ava, Amai Mikirita Mudangwe, vati vadzidzisi vave vanhu vave kushoreka zvasiyana nemakarekare pavairemekedzwa sezvo vachiti hupenyu hwavave kurarama hwave kuita kunge hwevanhu vasingashande.

Amai Mudangwe vati sevadzidzisi havachadzidzisa nemwoyo wese sezvo vari kutambira mari isingakwanise kuraramisa mhuri dzavo.

Zvataurwa naAmai Mudangwe zvatsinhirwa naAmai Portia Kaja avo vanove mumwe wevarairidzi varatidzira ava.

Amai Kaja vati chimwe chiri kuvarwadza ndechekuti havachakwanise kurapwa kunyange hazvo vachibatirwa mari yekurapwa mwedzi wega-wega nevePublic Service Medical Aid Society, PSMAS.

Munyori mukuru muPTUZ, VaRaymond Majongwe, vati varairidzi havasi kufarawo nemari yemutero wezvikamu zviviri kubva muzana uri kubatwa padhora rega-rega kubva pamadhora gumi zvichikwira wakaziviswa negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, masvondo mashoma adarika vachiti mutero uyu uri kuita kuti vadzidzisi vabva vaita nhamo inenge yefodya yechikwepa yekuti uku yakarumwa uku inotsva.

Mushure mekusiya magwaro avo enyunyuto kuPSMAS, bazi rezvemari pamwe nebazi rinoona nezvevashandi, VaMajongwe vati vachatora matanho akaomarara kudzamara hurumende yavapa nzeve.

Vatiwo vamwe vadzidzisi vatadza kunoratidzira nhasi sezvo hurumende ichinzi yanga yadaidzira misangano muzvikoro zvakawanda panguva yavanga vachifanira kutanga kuratidzira.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rePSMAS, VaNcube pamwe naAmai Sekai Nzenza vanova gurukota rezveshandi pamusoro pezvinyunyutozvevashandi izvi.

Zvichakadai, vadzidzisi vekumaruwa vari pasi pesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti ARTUZ, vapinda muzuva rechipiri nhasi vachiramwa mabasa vachitiwo vanoda kuwedzerwa mari dzemihoro.

Muutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti havasi kuzodzora tsvimbo kudzamara hurumende yateerera nhuna dzavo.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvedzidzo, VaPaul Mavhima, pamwe negurukota rezvemari kuti tinzwe pamire hurumende panyaya iyi.

Asi VaMavhima vakaudza vakuru vezvikoro kumusangano wakaitirwa kuVictoria Falls masvondo matatu adarika kuti homwe yehurumende yakabooka zvekuti hurumende haikwanise kuwedzera vadzidzisi mari pari zvino kudzamara hupfumi hwenyika hwatisimukirei.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG