Accessibility links

Breaking News

VaSupa Mandiwanzira Vanosungwa Vachipomerwa Kuita Huori Pavaive Gurukota


VaSupa Mandiwanzira
VaSupa Mandiwanzira

Vaimbova gurukota rehunyanzvi hwekufambiswa kwemashoko, VaSupa Mandiwanzira, vasungwa neChipiri vachipomerwa mhosva dzekushandisa masimba avo zvisirizvo pavaive vachiri gurukota rehurumende.

VaMandiwanzira vazvipira kumapurisa pavapinda munyika vachibva mhiri kwemakungwa mushure mekunge mapurisa aratidza kuti ane nyaya dzaari kuferefeta dzine chekuita navo.

Rimwe remagweta avo, VaBrian Hungwe, vaudza Studio 7 kuti VaMandiwanzira vari kupomerwa mhosva mbiri dzekushandisa masimba avo zvisirizvo pavakange vachiri muhurumende.

VaHungwe vati VaMandiwanzira vari kupomerwa mhosva yekunzi vakapa basa kambani yavana chipangamazano yeMegawatt kuti iitire kambani yeNetOne basa pasina kuonekwa kuti kambani iyi yainge yakakodzera here kana kuti kwete kuti iite basa, kana kuti kuendwa kune inodaidzwa kuti tender.

VaHungwe vatiwo VaMandiwanzira vari kupomerwa zvakare mhosva yekupa vaiva mubatsiri wavo kana kuti personal assistant basa repamusoro mubhodhi rePost and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe vachityora mirawu yekutongwa zvakanaka kwemakambani kana kuti corporate governance pamwe nezvakanga zvatarwa nedare remakurukota.

VaHungwe vaenderera mberi VaMandiwanzira vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa vachiti vaudza mapurisa kuti hurumende haina kana mari yayakabhadhariswa nekambani yeMegawatt vachiti basa rakaitwa iri rakapa kuti kambani yeNetOne ikwanise kudzosa makumi nemakumi ezviuru zvemadhora zvayakanga yarasikirwa nazvo.

VaHungwe vatiwo VaMandiwanzira, avo vachiri mumaoko emapurisa, vakatarisira kumiswa pamberi pedare mangwana vachipomerwa mhosva idzi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi, sezvo tatadza kubata mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba.

Mune imwewo nyaya, vanhu vanodarika makumi makumi mashanu vanonzi vapinzwa muchipatara mushure mekubatwa nechirwere chemanyoka mumusha we Kambuzuma muHarare

Zvinonzi pane vanhu vanodarika makumi mashanu vari kurapwa chirwere chemanyoka mumusha weKambuzuma izvo zvave kutyirwa nevagari kuti chingangove chiri chirwere chekorera kana typhoid.

Mumwe mugari wemuKambuzuma uyo ari kurwara nemanyoka aya, Amai Nancy Mukandi, vati vaenda kuchipatara vakarapwa asi vamwe vachirimo muchipatara.

Sachigaro weCommunity Water Alliance, Amai Hildaberta Rwambiwa, vati chirwere chemanyoka ichi chinogona kupararira kana kanzuru ikagarisa veruzhinji vasina mvura.

Zvichakadai, mutauriri wekanzuru, VaMichael Chideme, vati kanzuru yavo iri kuedza pose painogona kuti chirwere chemanyoka ichi chisapararire.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvehutano, VaObadiah Moyo, kuti tinzwe divi rebazi ravo panyaya iyi.

Vanhu makumi mashanu vakafa nechirwere chekorera muHarare mwedzi mishoma yadarika uye vazhinji vavo vaigara mumusha unogara veruzhinji weGlen View.

Asi pari zvino hurumende inoti yakakwanisa kudzivirira kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG