Vamwe vevafakazi vapa humbowo hwavo kukomisheni yakagadzwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti iongorore zvakaitika mumhirizhonga yakaitaika muHarare musi wa1 Nyamavhuvhu, vati havatarisiri kuti komisheni iyi ichabuda nezvisungo zvine kumeso sezvo dzimwe nhengo dzekomisheni iyi dzine mativi adzakarerekera.
Vachipa humbowo hwavo kukomisheni iyi neChina muHarare, munyori mukuru muboka revechidiki reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaLovemore Chinoputsa, vati havaone komisheni iyi ichikwanisa kuita basa rayo zvakanaka sezvo dzimwe nhengo dzekomisheni iyi dzine divi radzakarerekera.
VaChinoputsa vati havaone dzimwe nhengo dzekomisheni iyi dzichiita basa radzo nemazvo sezvo vari vanhu vanozivikanwa kuti inhengo dzemapato ezvematongerwo enyika.
Vati Amai Charity Manyeruke inhengo yeZanu PF inozivikanwa uye havatarisiri kuti vangakoshesa humbowo huchange huchisungirira bato ravo pamwe nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Vatiwo mutungamiri weNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, munhu akakwikwidza musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru dzakakonzeresa mhirizhonga yakazoitika iyi, uye Amai Vimbai Nyemba munhu ari kungogadzwa mumabhodhi akawanda nehurumende yaVaMnangagwa.
Nokudaro, VaChinoputsa vati maoko evatatu ava akasviba kuti varambe vari mukomisheni iyi.
Zvataurwa naVaChinoputsa zvatsinhirwa naVaIslam Madhosi vanove munyori anoona nezvesarudzo mupurovhinzi yeHarare muMDC yaVaChamisa.
VaMadhosi vati VaMnangagwa pachavo ndivo vanofanira kumiswa pamberi pekomisheni iyi sezvo vari ivo mukuru wemasoja enyika anonzi ndiwo akaridza pfuti vanhu vakafa musi wa1 Nyamavhuvhu.
Vatiwo ongororo iri kuitwa nekomisheni iyi inzira dzekuedza kuchenura VaMnangagwa kuti Zimbabwe idzoserwe mugungano reCommonwealth.
Asi sachigaro wekomisheni iyi, VaKgalema Motlanthe, avo vaimbova mutungamiri weSouth Africa kwechinguvana, vati VaMadhuku, Amai Manyeruke pamwe naAmai Nyemba, vanhu vakatora mhiko dzekuita basa mukomisheni yavo saka nokudaro vanosungirwa kuita basa ravo nemazvo.
VaMadhuku pachavo vaudza Studio7 kuti munhu akatwasuka uye anoita basa sebasa.
Vamwe vapa humbowo hwavo kokomisheni iyi, VaZakeo Mutimutema, avo vanove chipangamazano chezvemitemo musangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, vati vakapindwa nemabhodhoro mumaziso mushure mekupfurwa kwakaitwa mahwindo emahofisi eZCTU pamhirizhonga iyi ivo vari mukati memahofisi aya.
VaMutimutema vatiwo vanhu vose vakakuvara kana vane hama dzakafa mumhirizhonga iyi, vanofanira kuripwa.
Izvi zvatsinhirwa naVaTinei Zhuwao avo vakashaikirwa nemukoma wavo, VaBrian Zhuwao, mumhirizhonga yanetsa munyika iyi.
VaZhuwao vati mukoma wavo vairarama nekutengesa pakati pedhorobha.
Vafakazi vazhinji vapa hufakazi vati zviri pachena kuti masoja ndiwo akauraya vanhu musi uyu sezvo pane mavhidhiyo akabuda achiratidza masoja achiridza pfuti musi uyu.
VaMadhuku vaudza Studio 7 kuti vari kutarisira kuti vari muchiuto vachapa humbowo hwavo kuomisheni yavo neChishanu.
Zvichakadai, komisheni iyi yashanyira nzvimbo dzinonzi dzakaitikira mhirizhonga iyi dzinosanganisira muzinda weZanu PF, mahofisi eZanu PF mupurovhinzi yeHarare pamwe nemuzinda wekomisheni inoona nezvesarudzo, Zimbabwe Electoral Commission.
Zvinonzi pane vanhu vatanhatu vakafa mumhirizhonga iyi mushure mekupfurwa nevari kufungidzirwa kuti masoja.
Asi masangano anoshanda akazvimirira anoti vanhu vakafa musi uyu vanodarika gumi sezvo vamwe vevanhu ava vakafira munzira vachiendeswa kuzvipatara.
VaMotlanthe vanoti vachasvitsa gwaro rezvavachawana muongororo yavari kuita iyi kumutungamiri wenyika mukati memwedzi mitatu kubva pakagadzwa komisheni yavo.
Facebook Forum