Accessibility links

Breaking News

MDC Yogadza VaChamisa seMutungamiri weVanhu neMugovera?


MDC Leader Nelson Chamisa

Bato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa rinoti riri kucherechedza neMugovera kusvitsa kwaraita makore gumi nemapfumbamwe kubva paravambwa paine runyerekupe rwekuti riri kuronga kugadza VaChamisa semutungamiri wevanhu sezvakamboitwa VaRaila Odinga kuKenya.

MDC inoti ichaita mhemberero neMugovera kunhandare yeGwanzura dzekucherechedza kusvitsa makore gumi nemapfumbamwe bato iri kubva parakawumbwa muna 1999.

Murongi wemisangano mubato iri, VaAmos Chibaya, vaudza Studio7 kuti achange ari makuwerere kuGwanzura neMugovera apo vari kutarisira zviuru nezviuru zvevanhu.

Kunyange hazvo MDC isiri kubuda pachena nezvekugadzwa kwaVaChamisa, vane ruzivo nezvehurongwa hwamangwana vati VaChamisa vari kutarisirwa kugadzwa sezvakaitwa VaRaila Odinga semutungamiri wevanhu vemuKenya, kana kuti People’s President pangungano iri.

VaChibaya vati bato harisi kuzofa rakacherechedza kukunda kwakaita VaEmmerson Mnangagwa vachiti gwara ravachatora kubva zvino zvichienda mberi richazivikanwa pachiitiko chamangwana.

Asi mamwe magweta emuHarare akaita saVaMarufu Mandevere anoti mutemo uri pachena kuti mutungamiri wenyika anogadzwa nemukuru wevatongi vematare edzimhosva kana kuti chief justice.

Munyori anoona nezvemitemo muZanu PF, uye vari gweta zvakare, VaPaul Mangwana, vati VaChamisa vanogona kuzvipinza mukanwa mamupere kana vakaenderera mberi nekuzvigadza mangwana.

Mudzidzisi paGreat Zimbabwe University, uye vari nhengo yeMDC, VaTakavafira Zhou, vaudza Studio7 kuti zuva ramangwana izuva rakatarisirwa nevatsigiri veMDC zvakanyanya vachida kuziva kuti ndezvipi zviri mugango raVaChamisa pakatariswa mamiriro ezvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi.

Komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, inoti VaChamisa vakakundwa naVaMnangagwa veZanu PF musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.

Asi VaChamisa vanoti havasi kutambira zvakaziviswa neZEC kunyange zvakabuda musarudzo idzi zvakatsinhirwa nedare repamusorosoro munyika reConstitutional Court.

VaChamisa vanoti mutongigava munyaya dzesarudzo ndeveruzhinji.

Mhemberero dzamangwana ndedzekutanga kuitwa pasina vaiva mutungamiri webato iri, mushakabvu Morgan Tsvangirai, avo vakafa muna Kukadzi wegore rino mushure mekurwara nechirwere chegomarara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG