Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vokurudzira Kuumbwa kweHurumende Itsva Inofanobata Matomhu


Nelson Chamisa of the MDC
Nelson Chamisa of the MDC

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vakurudzira kuti paumbwe hurumende inombofanofambisa basa kwechinguvana zvichitevera kubirirwa kwanoti vakaitwa musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo paMorgan Tsvangirai House muHarare, VaChamisa vati kusafambiswa zvakanaka kwakaitwa sarudzo ndiko kuri kukonzera kuti zvinhu zvisafambe zvakanaka munyika izvo zvave kupa kuti veruzhinji vaomerwe nehupenyu.

VaChamisa vati chave kudikanwa ihurumende inombofanobata matomhu kana kuti national transitional authority kwakamirirwa kuti paitwe sarudzo dziri pachena.

VaChamisa vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara,izvo vati zvinofanirwa kugadziriswa.

Vanhu vanosvika makumi mashanu vakafa nechirwere chekorera, uye vanhu vanodarika zviuru zvina vakabatwa nechirwere ichi.

Mitengo yezvinhu iri kukwira mazuva ose izvo zviri kuisa hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa parumananzombe.

VaMnangagwa vakatora masimba mushure mekubatsirwa nemauto muna Mbudzi gore rapera,ayo akabvisa pachigaro vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

VaMnangagwa vakanzi neZimbabwe Electoral Commission ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri, asi izvi zvakaramba kutambirwa neMDC Alliance kunyange hazvo dare reConstitutional Court rakatiwo VaMnangagwa ndivo vakakunda.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri webato riri kutonga reZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, kuti tinzwe pamire bato ravo panyaya iyi.

Asi VaMoyo vakamboudza bepanhau reHerald mazuva mashoma adarika kuti bato ravo rakasarudzwa musarudzo dzemuna Chikunguru kuti rizadzise zvido zvevanhu munyika vachiti zvakasarudzirwa bato ravo ndizvo zvavari kuita.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paGreat Zimbabwe University, VaTakavafira Zhou, vaudza Studio 7 chinhu chakanaka kuti paumbwe hurumende inombofanofanmbisa zvinhu munyika kwechinguvana asi havaone Zanu PF ichibvuma kuita izvi nekukara masimba kwavanoti kunoitwa nevari muhutongi.

VaChamisa vakatokwidza nyaya iyi kukomisheni yesangano reAfrican Union inoona nezvekodzero dzevanhu yeAfrican Commission on Human and People’s Rights.

Mune iwmewo nyaya, mukuwasha wevaimbova mutungamiri, VaRobert Mugabe, VaSimba Chikore, vamiswa pamberi pedare nhasi vachipomerwa mhosva yekupamba mumwe mudzimai wavaishanda naye kukambani yendege yeZimbabwe Airways.

Gweta raVaChikore, VaJonathan Samukange, vaudza Studio7 kuti mutongi wedare ramejajasitiri apa VaChikore mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa iyi.

Nyaya iyi yanzi ichadzoka mudare musi wa9 Mbudzi apo VaSamukange vakatarisirwa kusvitsa chikumbiro chekuti nyaya iyi iraswe zvichitevera kuzivisa dare nhasi kuti izvi ndizvo zvavachaita pachadzoka nyaya iyi kudare mwedzi unouya.

VaChikore vaperekedzwa kudare nemudzimai wavo Bona Mugabe Chikore.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG