Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoshandisa Zvombo Zvehutsi Hunokachidza Kudzinga Vanotengesa Mumigwagwa


Zimbabwe Vendors
Zimbabwe Vendors

Mapurisa arwisana mukati meguta reHarare nevanotengesera mumigwagwa pakati pedhorobha izvo zviri kunzi nevanorarama nekutengesa ava hazvisi pamutemo kunyange kanzuru ichiti vanhu ava vanofanirwa kutengesera munzvimbo dzakatarwa.

Mapurisa aya azoshandisa zvombo zvehutsi hunokachidza senzira yekuti vanhu vabude munzvimbo dzavanga vachidzingwa.

Mumwe wevanorarama nekutengesa ava, Muzvare Lynette Sonzi, avo vakazvitakura, vati vamhanyiswa nemapurisa akavabvarurira hembe yavo vakasara vari musvo.

Muzvare Sonzi vati vatozobatsirwawo nevamwe nechokupfeka.

Mumwe wevanotengesera mumigwagwa ava, VaTongai Kwiirihwiri, vaudza Studio7 kuti mapurisa aya ashandisa chisimba chakanyanya zvazopedzisira zvaita kuti vavadzosere pavanga vachivarova.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vaudza Studio7 kuti vanorarama nekutengesera mumigwagwa vanofanira kutengesera munzvimbo dzakatarwa kuitira kuti vasanetsane nekanzuru yavo.

Asi mumwe wevanotengesera mumigwagwa, Muzvare Taiwa Kawadza, vati kumhanyiswa nekurohwa kunoitwa vanotengesera mumigwagwa nemapurisa enyika hakusi pamurawu sezvo vachiti mitemo inobata mafambisirwo ezvinhu mumakanzuru ichifanira kuchengetedzwa nemakanzuru.

Muzvare Kawadza vati chavashamisa ndechekuti mapurisa eZRP aya aita zvaaita izvi pasina mapurisa ekanzuru.

Asi VaChideme vati pane nzira dzavanoshandisa dzakasiyana-siyana kana vachiita hurongwa hwekubvisa vanotengesera munzvimbo dzisina kutarwa nekanzuru yavo kuti dzitengeserwe.

Hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi sezvo mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vati titaure nemutevedzeri wavo, VaPaul Nyathi, avo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Zvichakadai, mumwe wevanotengesera mumigwagwa uyo aramba kudomwa nezita ati chiri kumurwadza ndechekuti munyika hamuna mabasa asi hurumende iri kuswera ichivashungurudza ivo vari kuedza kuraramisa mhuri dzavo.

Nekune rumwe rutivi hurumende pamwe nekanzuru yaHarare vanoti pakati pedhorbha panofanira kugara pakachena kuitira kuti zvirwere zvakaita sekorera iyo yakauraya vanhu vakawanda, zvisarambe zvichipararira kana kutapuriranwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG