Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti VaMnangagwa Vari Kutadzisa Kutanga kweNhaurirano


A 'falla' is pictured ahead of the Fallas festival in Valencia, Spain. The fallas, gigantic cardboard structures that portray current events and celebrities in which individual figures or ninots are placed, are burned in the streets of Valencia on March 19 as a tribute to San Jose (Saint Joseph), patron saint of the carpenters' guild. 
A 'falla' is pictured ahead of the Fallas festival in Valencia, Spain. The fallas, gigantic cardboard structures that portray current events and celebrities in which individual figures or ninots are placed, are burned in the streets of Valencia on March 19 as a tribute to San Jose (Saint Joseph), patron saint of the carpenters' guild. 

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti muntungamiri wenyika uye vari mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutadzisa kuti nhaurirano dzitange pakati pevaviri ava dziri kuda kuitwa dzichikokerwa nevedzisvondo.

VaChamisa vaudza Studio7 kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzezvehupfumi vachiti izvi zviri kukonzerwa nekusafamba zvakanaka kwakaita sarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.

VaChamisa vanoti chave kudikanwa inhaurirano pakati pavo naVaMnangagwa asi VaMnangagwa vari kuita zvehumbimbindoga.

VaChamisa vanoti vakatosvitsa gwaro rezvavari kuda kuti zvizeyewe kuna VaMnangagwa kuburikidza nesangano revedzisvondo reZimbabwe Council of Churches, asi VaMnangagwa havasi kumbotsukunyuka kunyange hazvo zvinhu zvose zvakamira nemusoro munyika.

Mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vati havana chavanoziva nezvenhaurirano idzi vakati tizotaura navo vabuda mumusangano weCentral Committee yebato ravo uyo wanga uchiri kuitwa pataenda pamhepo.

Asi munyori anoona nezvemitemo muZanu PF, VaPaul Mangwana, vakataura mazuva mashoma adarika kuti Zanu PF inogona kugadzirisa zviri kunetsa munyika iri yoga pasina kupindira kwaVaChamisa.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vaudza Studio7 kuti havaone chikonzero chekuti paitwe nhaurirano pakati paVaMnangagwa naVaChamisa sezvo vachiti veruzhinji vakataura zvavanoda musarudzo dzemusi wa30 Chikunguru idzo dzinonzi naVaChamisa dzakabirirwa zvemhando yepamusorosoro.

VaChirumhanzu vanoti kunze kwekuti vedzisvondo vave ana mutongigava pakati paVaMnangagwa naVaChamisa, vedzisvondo vanofanira kushandisa nguva yavo kuyananisa zvikwata zviviri zveMDC vachiti Zanu PF iri kutozadzisa zvayakasarudzirwa musarudzo.

Munyori mukuru muZimbabwe Council of Churches, Reverend Doctor Kenneth Mtata, vaudza Studio7 kuti sevedzisvondo vachiri kuedza kuti vaviri ava vagare patafura vazeye zvose zviri kunetsa munyika.

Doctor Mtata vati vakataura naVaMnangagwa vakavaudza kuti vangataura seyi nevanhu vari kuramba kuvatambira semunhu akasarudzwa nevanhu. Vatiwo vakasvitsa mashoko aya kuna VaChamisa.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti zvakakosha kuti VaMnangagwa naVaChamisa vagare pasi vataurirane sezvo vachiti chamurambamhuru chiri kuitwa nemitengo yezvinhu muzvitoro zvizhinji munyika chiri kukonzerwa negakava rezvematongerwo enyika rine chekuita nesarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.

Muzvipatara hamuna mishonga, uye vanhu havana mabasa anovapa mari yekuti variritire mhuri dzavo.

Komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, Zec, yakazivisa kuti VaMnangagwa ndivo vakakunda musarudzo izvo zvakatsinhirwa nedare reConstitutional Court.

Asi VaChamisa nebato ravo varikuramba vakatsika madziro vachiti havasi kutambira zvakaziviswa neZec pamwe nezvakaturwa nedare vachiti simba rehove riri mumvura.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG