Accessibility links

Breaking News

Zviuru neZviuru Zvouya kuMusangano weMDC kuMarondera


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa vanoti vave kuenda kuvatungamiri venyika dzekunze senzira yekuedza kugadzirisa dambudziko rezvematongerwo enyika riri muZimbabwe panguva iyo bato ravo richingoronga kuratidzira kweveruzhinji munyika.

Vachitaura nevatsigiri vavo munhandare yeRudhaka muno muMarondera kuMashonaland East nhasi, VaChamisa vati havangarambe vakanyayarara dambudziko rezvematongerwo enyika riri muZumbabwe risina kugadziriswa.

Vati vanoda kuti vataurirane nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa asi vachatanga nekuenda kusangano riri kunyika dziri kuchamhembe kweAfrica reSADC kuti nyaya yekubirirwa kwavanoti kwakaitwa sarudzo dzemusi wa30 Chikunguru igadziriswe.

VaChamisa vatiwo vazvipira ktungamira veruzhinji mukuratidzira vachiti ikodzero dzeveruzhinji kuratidzira kusafara kwavo nemafambisirwo akaitwa sarudzo.

Vachitaurawo pamusangano uyu, munyori muboka revechidiki reMDC, VaLovemore Chinoputsa, vati vechidik vebato ravo vakazvipira kubatana nevatsigiri vemutevedzeri wemutungamiri VaConstantino Chiwenga kuti vabvise VaMnangagwa pachigaro gore rino risati rapera.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weZanu PF VaSimon Khaya Moyo kuti tinzwe pamire bato ravo panyaya iyi. Asi vane ruzivo nezviri kuitika muZanu PF vanoti zvamutsana gonzo nachin’ai.

Zvichakadai, VaChamisa vakurudzirawo makanzura ebato ravo kuti asaite zvehuori uye vakurudzirawo hurumende kuti ibvise mutero wemasendi maviri padhora rega-rega urikubatirwa veruzhinji vachiti izvi zviri kuita veruzhinji vatambure.

VaChamisa vashorawo komisheni yakaumbwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa yekuongorora zvakaitika musi wa 1 Nyamavhuvhu apo pakapfurwa vanhu vatanhatu nemauto muHarare vachiti yave kungotambisa mari.

Asi imwe nhengo yekomisheni iyi Muzvinafundo Lovemore Madhuku vati zvakakosha kuenda kumaguta ose.

VaChamisa vaburitsawo pachena kuti mubato mavo mapindwa naPongwe panyaya yehutungamiri.

VaChamisa vatiwo vari kushushikana nekushaika kwevanhu makumi mashanu munjodzi yemumugwagwa kwaRusape nemusi weChina.

Kunyangwe MDC iri kuronga kuratidzira murunyararo sematauriro ayo, gurukota rezvemukati menyika VaCain Mathema vanoti bato iri riri kuronga kupidigura hurumende.

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vaudzawo Studio 7 kuti kuratidzira murunyararo hakuna kuipa asi kuda kupidigura hurumende hakutenderwe.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG