Accessibility links

Breaking News

MDC Inocherechedza Zvine Mutsindo Kusvitsa Kwayo Makore Gumi neMapfumbamwe


Chamisa - MDC 19th Anniversary
Chamisa - MDC 19th Anniversary

Bato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa racherechedza kusvitsa kwaraita makore gumi nemapfumbamwe kubva paravambwa mutungamiri webato iri achikurudzira nhaurirano nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Vachitaura pamhemberero idzi idzo dzaitirwa munhandare yeGwanzura iyo yanga yakazara zvekupfachukira, mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vatanga nekutenda veruzhinji nekuvavhotera ivo pamwe nebato ravo musarudzo dzemusi 30 Chikunguru vakurudzira kuti paitwe nhaurirano nehurumende yaVaMnangagwa senzira yekuedza kupedza gakava riripo rine chekuita nesarudzo idzo dzavanoti dzakabirirwa.

Kunyange hazvo VaChamisa vachiti vakabirirwa musarudzo idzi, komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, yakazivisa kuti VaMnangagwa ndivo vakakunda izvo zvakatsinhirwawo nedare repamusorosoro munyika reConstitutional Court.

VaChamisa vati havatambire zvakaziviswa neZEC pamwe nedare reConstitutional Court.

Panguva iyo VaChamisa vari kukurudzira nyaya yenhaurirano, vatiwo vachazivisia munguva pfupi iri kutevera kuti vanhu vopinda mumugwagwa rinhi kunoratidzira.

Asi mumwe wevataura pamhenberero idzi, VaElvis Mugari, avo vanga vakamirira sangano re Hashtag Tajamuka, vati vari kupa VaMnangagwa kusvika musi wa17 Mbudzi kuti vasiye basa vachiti vari kutadza kutungamira nyika uye vachiti zvakare vakabirira musarudzo.

Izvi zvatshirwawo naVaJoelson Mugari vanove sachigaro wesangano reUnited Citizens Alliance of Zimbabwe.

Kunyange hazvo VaChamisa vachiti sarudzo dzemusi wa30 Chikunguru dzakabirirwa zvemhando yepamusorosoro, VaMnangagwa nebato ravo reZanu PF vanoti vakakunda zviri pachena musarudzo idzi.

VaChamisa vati havasi kuzodzokera kumashure nekudzinga kwavakaita mameya emadhorobha akaita seMasvingo, Victoria Falls neChegutu vachiti vanhu ava vave kudyidzana neZanu PF uye havana kutevedzera zvakange zvasungwa nebato ravo pakuti vachaita mameya mumaguta aya ndivanani.

Panyaya yehuori, VaChamisa vati vose vari kuita zvehuori muhurumende vanofanira kutorerwa matanho akasimba.

Kunyange hazvo veruzhinji vanga vakatarisirwa kugadzwa kwaVaChamisa kuti vave mutungamiri wevanhu sezvakaitwa VaRaila Odinga kuti vamiririre vanhu vemuKenya, mumwe wevatevedzeri vavo, VaMorgen Komichi, vazivisa ruzhinji rwevanhu rwanga rwuri pamhemberero idzi kuti VaChamisa vagadzwa semutungamiri wevanhu.

Mhemberero dzaitwa idzi ndedzekutanga kuitwa pasina vaimbova mutungamiri webato iri, mushakabvu VaMorgan Tsvangirai, avo vakashaya muna Kukadzi wegore rino mushure mekurwara nechirwere chegomarara.

VaChamisa vatiwo VaTsvangirai, avo vapihwa mubayiro wekurwira shanduko munyika kunyange vakafa, munhu aive nemuono wetwiza panyaya yekuti muZimbabwe muve neshanduko ndosaka vakasiya varatidza vanhu vakawanda munyika gwara rekutevedza kuti ruzhinji rweZimbabwe rwugozoita mutambarakede.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG