Accessibility links

Breaking News

VaMandiwanzira Vabvisiswa Mari yeChibatiso Kuitira Kuti Vatongwe Vachibva Kumba


Super Mandiwanzira In Court
Super Mandiwanzira In Court

Vaimbova gurukota rezvehumhizha hwekufambiswa kwemashoko uye vari mumiriri weNyanga muparamende, VaSupa Mandiwanzira, vamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva mbiri dzekushandisa masimba avo zvisirizvo pavakange vachiri muhurumende.

Nekune rumwe rutivi, vaimbova gurukota rezvematunhu, VaSavior Kasukuwere, mukuwasha wevaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe namuzvinabhizimusi ane mukurumbura, VaWicknell Chivhayo, vanga vari mumatare zvakare nhasi nemhosva dzakasiya-siyana.

VaMandiwanzira avo vakazvipira kumapurisa neChipiri pavakapinda munyika vachibva mhiri kwemakungwa mushure mekunge mapurisa aratidza kuti ane nyaya dzaari kuferefeta dzine chekuita navo vamiswa pamberi pedare nhasi vachipomerwa mhosva mbiri dzekushandisa masimba avo zvisirizvo pavaiva gurukota rezvehumhizha hwekufambiswa kwemashoko.

Muchuchisi wenyaya iyi, VaMichael Chakandida vaudza dare kuti VaMandiwanzira vakapa basa kambani yanachipangamazano yeMegawatt kuti iitire kambani yeNetOne basa pasina kuonekwa kuti kambani iyi yainge yakakodzera here kana kuti kwete kuti iite basa, kana kuti kuendwe kune inodaidzwa kuti tender.

VaChakandida vatiwo VaMandiwanzira vakatarisana zvakare nemhosva yekupa vaiva mubatsiri wavo kana kuti personal assistant, VaRaymond Tawanda Chinembiri, basa repamusoro mubhodhi rePost and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe vachityora mirawu yekutongwa zvakanaka kwemakambani kana kuti corporate governance pamwe nezvakanga zvatarwa nedare remakurukota.

Rimwe remagweta aVaMandiwanzira, VaSelby Hwacha, vaudza dare kuti havasi kufara kuti VaMandiwanzira vakarariswa kukamba yeMatapi iyo yakashorwa kare nematare ayo akati kamba iyi haikodzere kuti ichengeterwe vasungwa nekusamira zvakanaka kwayakaita.

Mashoko aya atsinhirwa nerimwe gweta raVaMandiwanzira, VaBrian Hungwe, vataura neStudio 7 papera dare.

Zvichitevera chikumbiro chasvitswa nemagweta aVaMandiwanzira chekuti vapihwe mukana wekutongwa vachibva kumba icho chisina kupikiswa nehurumende, mutongi wedare VaMishrod Guvamombe, vati VaMandiwanzira vabhadhare zviuru zviviri zvemadhora semari yechibatiso, vazvipire kumapurisa kaviri pasvondo, vasiye pasipoti yavo kudare, vasavhingidzane nevakafazi vadomwa mudare uye kuti vasiye kudare magwaro emudziyo unokosha zviuru zana zvemadhora kuti vagokwanisa kutongwa vachibva kumba kwavo.

VaHungwe vatiwo vane chivimbo chekuti VaMandiwanzira vachachenurwa nedare.

Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, vaimbova gurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere, avo varikupomerwawo mhosva dzekushandisa masimba avo zvisirizvo pavaive muhurumende panyaya yekutengwa kwemasitendi dzinosanganisira mukoma wemudzimai wevaimbova mutungamiri, Amai Grace Mugabe, Amai Shuvai Junior Gumbochuma, vanzi nedare nyaya yavo ichatanga kutongwa musi wa21 Mbudzi.

VaKasukuwere vari kupomerwawo mhosva yekunzi vakashandisa masimba avo zvisirizvo pavaimbova gurukota rezvevechidiki pavanozni vakapa basa kambani yeBrainworks kuti imire pakati pehurumende nemakambani anochera zvicherwa akaita seUnki Mine neZimplats munhaurirano dzekuti makambani aya atevedzere mutemo waimbovapo wekuendesa hupfumi kuvatema pasina kuendwa ku tender.

Asi VaKasukuwere vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa idzi vachiti zvose zvavakaita zvaive mugwara.

Tichiri mumatare, nyaya yanga iri mumatare zvakare nhasi, mukuwasha wevaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, VaSimba Chikore, avo vari kupomerwa mhosva yekunzi vakapamba Muzvare Tsitsi Zakeyo avo vaive mushandi mukambani yeZimbabwe Airways iyo yavanoshandira, vanzi vadzoke kudare musi wa14 Zvita apo pachatanga kutongwa nyaya yavari kupomerwa iyi.

VaChikore vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi vachiti Muzvare Zakeyo munhu arikuvanenedzera mhosva yemayepo nepamusana pekuti vakange vavadzinga basa.

Mune imwewo nyaya, mutongo panyaya iri kupomerwa muzvinabhizimusi ane mukurumbira, VaWicknell Chivhayo, yekushandisa mari inodarika mamiriyoni mashanu emadhora yaifanira kushandiswa muchirongwa chemagetsi ezuva kuGwanda wanzi nedare uchaturwa nemusi weChina svondo rinouya.

Nyaya iyi iri kubatawo vaimbova gurukota rezvemhando dzemoto, VaSamuel Undenge, avo vari kupomerwa mhosva yekushandisa masimba avo zvisirizvo pakupa kambani yaVaChivhayo yeIntratek basa rekuita ongororo yechirongwa chemagetsi ezuva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG