Vanhu gumi vabvunzurudzwa neChina kuti sei vachida kutora chigaro chemuchuchisi mukuru wehurumende icho chakasiiwa naVaRay Goba.
Pane vanhu gumi vabvunzurudzwa nekomisheni inoona nezvekutongwa kwemhosva mumatare yeJudicial Services Commision avo vari kuda basa rekuva muchuchisi mukuru wenyika kana kuti prosecutor general iro rakasiiwa naVaGoba.
Vazhinji vevabvunzurudzwa ava vati mubazi reNational Prosecuting Authority mune huori hwakakomba.
Mumwe wevanhu ava ndiVaMathias Cheda avo vaimbova mutongi wedare repamusoro reHigh Court vasati vaenda kuNamibia uko kwavari mutongi mudare reHigh Court zvakare.
VaCheda vati chiokomuhomwe chakanyanya muNPA zvavanoti zviri kukonzera kuti nyaya dzisanyatongwa zvakanaka.
Mumwe wevabvunzurudzwa ndiVaTinomudaishe Chinyoka vanove rimwe remagweta emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
VaChinyoka vatiwo dzimwe nyaya hadzisi kubatwa zvakanaka nepamusana pekuti dzinenge dzine vakuru vakuru mukati.
Vaenderera mberi vachiti kuve gweta raVaMnangagwa hakuvatadzise kushanda vasina divi ravakarerekera kana vakapihwa basa rekuva muchuchisi mukuru wenyika.
Vamwe vabvunzurudzwa nezvebasa iri ndiMuzvare Jessie Majome avo vaimbove nhengo yeMDC yaimirira Harare West muparamende, VaKumbirai Hodzi, avo vakafanobata chigaro ichi pari zvino; VaMisheck Hogwe avo vaimbova sachigaro wesangano reLaw Society of Zimbabwe; Amai Florence Ziyambi, VaMantsebo Calvin Tichaona, VaEdmund Marondedze, Amai Noria Mashumba pamwe naAmai Wendy Chingeya.
Mutongo mukuru wematare edzimhosva munyika kana kuti Chief Justice, VaLuke Malaba, vati vachapa mutungamiri wenyika mazita matatu evavanofunga kuti vakakodzera kuti vapihwe chigaro chemuchuchisi mukuru munyika, mutungamiri wenyika ozodoma waanoda.
Chinzvimbo ichi chakasara chisina munhu zvichitevera kusiya basa kwakaitwa naVaGoba, avo vakanga vambomiswa basa vachipomerwa mhosva yekutadza kuita basa ravo nemazvo.
Facebook Forum