Accessibility links

Breaking News

Komisheni yaVaMotlanthe Yoronga Kudaidza VaMnangagwa naVaChiwenga


Motlanthe Commission
Motlanthe Commission

Komisheni iri kuongorora zvakaitika pamhirizhonga yakaitika muHarare musi wa 1 Nyamavhuvhu inoti inogona kushevedza mutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, pamwe nemutevedzeri wavo, Va Constantino Chiwenga, kuitira kuti vazopa hufakazi pamberi pekomisheni iyi.

Vachitaura nevatori venhau muHarare manheru eChishnau mushure mekunzwa hufakazi, sachigaro wekomisheni iyi, Va Kgalema Motlanthe, vati vanogona kushevedza VaMnangagwa naVaChiwenga kuti vazopa hufakazi panyaya yekunzi hutungamiri hwenyika hunoziva zvakaitika kuti masoja azopinda mumigwagwa achipfura vanhu sezvaakaita.

Izvi zvatsinhirwa neimwe nhengo yekomisheni iyi, Va Lovemore Madhuku, avo vati kushevedzwa kwavo kunoenderana nekuti komisheni yavo yapihwa hufakazi hunokodzera here kuti Va Mnangagwa naVa Chiwenga vamiswe pamberi pekomisheni yavo.

Vatiwo vari muchiuto vakatarisirwawo kumiswa pamberi pekomisheni kubva musi wa 10 Mbudzi pachaenderera mberi komisheni iyi kunzwa hufakazi.

VaMotlanthe vati vari muchiuto ava vakatarisirwa kupa humbowo hwavo pajekerere sezvanga zvichingoitawo vamwe vafakazi.

Mumwe wevapa humbowo hwake kukomisheni, Va Ignatious Neshava, vaudza komisheni iyi kuti tezvara vavo, Va Ishamael Kumire, vakapfurwa nemasoja vari vese vakadonhera mutsoka dzavo izvo zvavati zvakavarwadza zvikuru.

Va Neshava vati mhuri yemushakabvu haina kufadzwa nekuvhariridzwa kwakaitwa huwandu hwevanhu vanonzi vakafa mumhirizhonga iyi.

Hurumende inoti kwakafa vanhu vatanhatu chete mumhirizhonga iyi asi vemasangano akazvimirira vanoti kwakafa vanhu vanoda gumi sezvo vamwe vavo vakafira munzira vachienda kuzvipatara.

Mumwe apa hufakazi uye ari nhengo yeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, Va Makomborero Haruzivishe, vazora madhaka imwe nhengo yekomisheni iyi inobva kunze, VaRobyn Dixon, avo vanobva ku United Kingdom, vane maoko akasviba panyaya iyi.

Vati VaDixon havana kufambisa basa zvakanaka pakamboitika mhirizhonga yakaurayisa vanhu ku Sri Lanka pavaiva mukomisheni yakafanana neiri kuongorora zvakaitika muHarare muna Nyamavhuvhu.

Izvi zvinouyawo apo dzimwe nhengo dzekomisheni iyi dzemuZimbabwe nhatu dzakashorwa nevafakazi neChina.

Mumwe apa hufakazi uye ari mutsigiri weZanu PF, Va Tafadzwa Mugwadi, vati masangano anoshanda akazvimrira akafanana nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition ane chekuita nemhirizhonga yakaitika muna Nyamavhuvhu vachiti masangano aya anodyidzana neMDC.

Hatina kukwanisa kutaura nevemasangano akazvimirira kuti tinzwe divi rawo.

Zvichakadai, VaMotlanthe vati vachaendawo kune dzimwe nzvimbo dzakafanana neMutare ne Bulawayo sekomisheni kuti vanonzwa kuti hapana vamwe vanhu vakarambidzwa kufamba here musi wakaitika mhirizhonga iyi muHarare.

Vatiwo komisheni yavo yave nehumbowo hwezvinyorwa, mifananidzo pamwe nemavhidhiyo ezvimwe zvezvakaitika panonzi pakapfurwa vanhu nemasoja vakafa vamwe vakakuvara musi uyu apo pakaratidzirwa nevanhu mu Harare vachigunun’una nekunonoka kwavanoti kwainge kwaitwa nekomisheni inoona nezvesarudzo ye Zimbabwe Electoral Commission kuburitsa zvakabuda musarudzo dzemusi wa 30 Chikunguru.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG