Accessibility links

Breaking News

Vabereki Vogunun'una Nekunzi Vawedzere Mari yeDzidzo Pakati peKotoro


Vabereki vane vana vanogara pazvikoro kana kuti boarding schools vanoti havasi kufara nekukwidzirwa kwavaitirwa mari dzevana dzechikoro panguva iyo zvinhu zvakaomera veruzhinji munyika.

Asi vezvikoro vanotiwo hapana zvavangaite sezvo mitengo yezvinhu zvakawanda yakwira muzvitoro.

Vamwe vabereki vataura neStudio 7 vati vatambira matsamba nhasi mangwanani ekukwidzwa kwemari dzezvikoro zvinogara vana vavo vachidzidza ikoko vachiti vanzi vawedzere mari yavakabhadhara pakutanga kwekotoro ino nezvikamu makumi maviri kubva muzana.

Mumwe wevabereki ava, Amai Mildred Chitowa avo vane mwana anodzidza pane chimwe chikoro chiri kuMarondera vati vanzi vabhadhare mari iyi musi wa11 Mbudzi usati wadarika.

Amai Chitowa avo vati vanzi vawedzere madhora zana nemakumi maviri pamusoro peyavakabhadhara pakutanga kwekotoro ino vati chiri kunyanya kuvarwadza ndechekuti havana kwekuwana mari iyi nenguva shoma yavapihwa uye nekuoma kwakaita zvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi.

Mumwe mubereki ane mwana anodzidza pane chimwe chikoro chiri mudunhu reMashonaland Central, Amai Phoebe Mukombachoto vati vatambirawo tsamba kubva kuchikoro chinodzidza mwana wavo yakafanana neyatambirwa naAmai Chitowa.

Amai Mukombachoto vati kunyange hazvo vari kunzwisisa zvikonzero zviri kutaurwa nevezvikoro zvekuti mari yavakabhadhara pakutanga kwekotoro haichavakwanire kuti vatengere vana chikafu muzvikoro, hurumende inofanira kutora matanho nekukasika sezvo vachiti vezvikoro vanogona kuramba vachikwidza mari dzechikoro zvichienderana nemamiriro akaita zvinhu munyika.

Vamwe vakuru vezvikoro vataura neStudio 7 vasina kuda kudomwa mazita avo pamhepo vati mari dzakabhadharwa nevabereki dzakashandiswa dzikapera mushure mekunge vatengera vana chikafu icho chave kudhuriswa nevezvitoro. Vakuru vezvikoro ava vati zviri nani kuti vakwidze mari dzechikoro pane kudzidzisa vana vanenge vachiziya nenzara.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rezvedzidzo yepasi VaPaul Mavima vanga vachiti vakabatikana patavabata panharembozha yavo.

Zvichakadai, VaMavima vakaudza vakuru vezvikoro pamusangano wavakaita navo neChitatu svondo rapera kuVictoria Falls kuti hurumende haisi kukwanisa kuwedzera vadzidzisi mari dzemihoro sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika munyaya dzezvehupfumi.

Asi mutungamiri wesangano revadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti kukwidzwa kwaitwa mari dzezvikoro pasina kuwedzerwa vashandi vemunyika mari kunoratidza kuti hurumende haina hany’a nehupenyu huri kuraramwa nevarombo munyika.

Mitengo yezvinhu yakatanga kuita chamurambamhuru pakaziviswa kukwidzwa kwemitero negurukota rezvemari VaMthuli Ncube uye mashoko avo ekuti vaironga kubvisa bond note neRTGS .

Nekune rumwe rutivi, vezvitoro vanoti vari kudhuruirwa nekutenga mari yekunze pamukoto kuti vakwanise kuhodha zvinhu zvekuisa muzvitoro zvavo.

Asi mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vakaita musangano kuState House nevemabhizimisi vakavaudza kuti varegere kukwidza mitengo zvisina tsarukano.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG