Kunyange hazvo veboka reZimbabwe Electoral Commission vakatanga hurongwa hwekuyedza kukurudzira vanhu kuti vanyorese kuti vagokwanisa kuvhota, huwandu hwevanhu vanyoresa kuti vagokwanisa kuvhota muBulawayo ndihwo huchiri pasi pane mamwe matunhu ose munyika.
Mutungamiri webato reZAPU, VaDumiso Dabengwa, vanoti zvinogona kuitika kuti vechiuto vapindire munyaya yekudzingwa kwevaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, sezvo vamwe muchiuto vasiri kufara nezviri kuitwa naVaMugabe.
Vamwe vechidiki veZanu PF ne band reZimbabwe Prisons and Correctional Service vachifora muBulawayo senzira yekushambadza musangano wePresidential Youth Interface uchaitwa muBulawayo nhasi.Nyaya ina Taurai Shava.
Dare repamusoro rakatara mutongo wekuti vaimbove meya weGweru, VaHamutendi Kombayi, nevaive mutevedzeri wavo, VaKenneth Sithole, vadzoke pabasa.
Mamwe masangano anoshanda akazvimirira ega pamwe nemapato ezvematongerwo enyika ari kushandisa ‘social media’ kukurudzira vanhu kuti vanyorese kuti vagokwanisa kuvhota.
Chikamu chekutanga chekunyoreswa kwevanhu kuti vagokwanisa kuvhota chapera nhasi. Kushomeka kwevanhu vanyoresa kuvhota mumatunhu eMatabeleland kusvika pari zvino kwasiya vamwe vaine mibvunzo kuti sei vanhu mumatunhu aya vari kusada kunyoresa kuti vagokwanisa kuvhota.
Vamwe vaimbove vashandi vepamugodhi weOld Nic Mine kunze kweguta reBulawayo nhasi vapinda muzuva reshanu vachigara panze mushure mekunge chikonzi nemapurisa vavadzinga mudzimba dzavange vachigara pamugodhi uyu.
Apo ruzhinji munyika ruri kuramba ruchitambura nekuda kwekusamira zvakanaka kwehupfumi, vamwe vagari vekumaruwa ekuBulilima neMangwe kuMatabeleland South vave kushandisa chirongwa chemukando kwete kungozvibatsira ivo pachavo asi kuedzawo kuita zvirongwa zvinounza budiriro munharaunda yavo.
Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC- T variwo mumiriri weBulawayo East muparamende, Muzvare Thabitha Khumalo, vanoti mushure mekufamba kwavaita vachiona chirongwa chekunyoresa, vanobvuma kuti nyaya yemagwaro anoratidza paunogara iri kukonzera dambudziko.
Kusimudzirwa kwekunyoresa vanhu kuti vagokwanisa kuvhota kwatanga nhasi munzvimbo dzakasiyana siyana munyika vamwe vanhu muBulawayo vachichema-chema nemutemo wekuti vanonyoresa vanofanirwa kuve nemagwaro anoratidza pavanogara.
Vamwe vanhu vataura neStudio7 vati havasati vanyoresa kuti vagokwanisa kuvhota nekuda kwekuti havana ruzivo rwakakwana pamusoro pechirongwa chekunyoresa vanhu kuti vagokwanisa kuvhota.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaMatshobana Ncube, vanoti vanhu munyika vane chikonzero chekutyira kuti kodzero dzavo dzinogona kumbunyikidzwa nemutemo unoda kudzikwa nehurumende une chekuita nekushandiswa kwedandemutande.
Musangano uyu wange uri mumwe wemisangano miviri yekubuda negwaro richaendwa naro kumusangano wechina weAfrica-Europe Youth Summit uyo uchaitwa kuAbidjan kuIvory Coast svondo rinouya.
Mutauriri wePDP, VaJacob Mafume, vanoti VaBiti ndivo mutungamiri webato zviri pamutemo.
Vanhu vane chitsama vaungana paSt John Anglican Cathedral muguta reBulawayo Chitatu mangwanani pamunamato wekuwonekana nemushakabvu, Ambuya Maria Msika, mudzimai wevaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, mushakabvu Joseph Msika.
Apo munyika mave kutanga kuita mitsetse yekutenga mafuta emotokari ukuwo zvimwe zvinhu zvinoshandiswa nevanhu zuva nezuva zvave kutanga kushaikwa muzvitoro, vamwe vanoti gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya, vanofanirwa kusiya basa nekuti vakundikana.
Gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vaparura kushandiswa kwemuchina mutsva unoongorora gomarara remazamhu paMpilo Hospital muBulawayo.
Mamwe madzimai ari muchirongwa chezve hutsanana kuTsholotsho achifadza vanhu vauya kuzoona zvirongwa zvavo. Nyaya ina Taurai Shava.
Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Harry Thomas Junior, vashanyira dunhu reTsholotsho vachiona zvirongwa zviri kutsigirwa nehurumende yavo munzvimbo iyi.
Mukuru anoona nezvesarudzo muBulawayo, Amai Sithembiso Khupe, vabvuma kuti muchina wavo wambovanetsa asi vati vari kufara nemafambiro aita chirongwa pakutanga kunyoreswa kwevanhu.
Rodhai zvimwe