Accessibility links

Chirongwa cheBVR Chotanga Zvine Mutsindo Vakawanda Vachichema Nacho

  • Taurai Shava

ZEC

Apo chirongwa chekunyoresa vanhu kuti vagokwanisa kuvhota chave kuendeswa kunzvimbo dzakasiyana-siyana munyika kutanga neChipiri, vamwe vanhu vakawanda vanoti havasati vanyoresa uye havana ruzivo pamusoro pechirongwa ichi.

Vamwe vanhu vataura neStudio7 vati havasati vanyoresa kuti vagokwanisa kuvhota nekuda kwekuti havana ruzivo rwakakwana pamusoro pechirongwa chekunyoresa vanhu kuti vagokwanisa kuvhota.

Mumwe wevanhnu ava ndemumwe murume angozvidoma nezita rekuti Tasiya uyo ati haazi kuziva nezvekuendeswa kwechirongwa ichi kunzvimbo dzakasiyana-siyana munyika kutanga mangwana.

Mumwezve mugari, VaRobson Murambiwa, vati vaida kunyoresa vakaenda kunobvunza nezvechirongwa ichi pachikoro chiri pedyo nekwavanogara, asi havana kuwana rubatsiro.

Vamwewo vataura neStudio 7 varatidzawo kuti havazi kuziva kuti vanhu vose vabve zera munyika -kunyange vakambovhota musarudzo dzapfuura - vanofanirwa kunyoresa patsva kuti vagokwanisa kuvhota, sezvo kuchave negwaro idzva revanhu vanenge vanyoresa kuti vagokwanisa kuvhota.

Mumwe mugari angozvideedza nezita rekuti Nomusa, ndemumwe ati ange achifunga kuti hazvina basa kuti anyorese sezvo akambovhota musarudzo dzapfuura.

VaNyasha Moyo vatiwo havana zvakawanda zvavari kuziva pamusoro pechirongwa chekunyoresa nenzira yebiometric voter registration uye vati havasati vanyoresa nekuti vanoona pachine nguva yakareba yekuti vakwanise kuita izvi.

Mumwezve mugari uyo angozvidoma nezita rekuti Kudzai ati kunyange hake akambovhota mune dzimwe sarudzo dzapfuura, haawone chikonzero chekuti anyorese kuvhota nekuti haana chaanowona chazvinobatsira.

Ati kunyange hazvo kunyoresa vanhu kuri kuitwa nenzira itsva iyo inonzi inogona kubatsira kuti kubiridzira musarudzo kuderere, Kudzai ati haafunge kuti kuvhota kwake kungachinja mamiro akaita zvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi.

Mumwe mutori wenhau anoshanda akazvimirira ega, Admire Kudita, ati zviri pachena kuti veruzhinji havana ruzivo rwakakwana pamusoro pechirongwa chekunyoresa vanhu kuti vagokwanisa kuvhota vachitiwo veZimbabwe Electoral Commission vanofanirwa kuita zvose zvavanogona kuti vashambadze chirongwa ichi.

VeZEC vari kusimudzira chirongwa chekunyoresa vanhu kutanga neChipiri mushure mekunge vawana michina zviuru zvitatu yekunyoresa vanhu.

Chirongwa chekunyoresa vanhu chaparurwa zviri pamutemo nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mwedzi wapera muHarare.

Kuti munhu ukwanise kunyoresa kuvhota unofanirwa kuve uri chizvarwa chemuZimbabwe chine makore gumi nemasere, kana kupfuura, uye unofanirwa kuve nechitupa, cherata kana cheplastic, chine mufananidzo wechiso chako kanawo gwaro rekufambisa richiri kushanda.

Rezinesi yemotokari haikwanise kushandiswa pakunyoresa kuvhota.

Munhu unozodawo gwaro rinoratidza paunogara ingave tsamba yemvura iri muzita rako kana gwaro raunonyora rosainwa naCommissioner of Oaths, sabhuku kana mumwe munhu akadaro

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG