Accessibility links

Breaking News

Bulawayo Yonyoresa Vanhu Vashoma Muchirongwa cheBVR


Kunyange hazvo veboka reZimbabwe Electoral Commission vakatanga hurongwa hwekuyedza kukurudzira vanhu kuti vanyorese kuti vagokwanisa kuvhota, huwandu hwevanhu vanyoresa kuti vagokwanisa kuvhota muBulawayo ndihwo huchiri pasi pane mamwe matunhu ose munyika.

Mukuru anoona nezvesarudzo muBulawayo, Amai Sithembiso Khupe, vaudza Studio 7 parunhare kuti kubva pakatanga chirongwa chekunyoresa vanhu kusvika nezuro, vanhu zviuru makumi manomwe nezvitatu ndivo vanyoresa kuti vagokwanisa kuvhota.

Dunhu reHarare ndiro rine vanhu vakawanda vanyoresa kuvhota kusvika pari zvino avo vanopfuura zviuru mazana matatu nezvipfumbamwe.

Dunhu reMatabeland North rave nevanhu vanopfuura zviuru zana nezvitanhatu uye dunhu reMatabaleland South riine vanhu vanopfuura zviuru makumi masere nezvina.

Matunhu maviri aya pamwe neBulawayo ndiwo ane vanhu vashoma vanyoresa kusvika pari zvino.

Amai Khupe vati huwandu uhu huri pasi pevanhu zviuru zana vavange vachifungidzira kuti vangadai vanyoresa kusvika pari zvino.

Asi vati vanotarisira kuti huwandu uhu hunogona kukura kusvika pavanotarisira nekuda kwekuti vakatanga hurongwa hwekukurudzira vanhu kuti vanyorese kuvhota, kusanganisira kuve nenzvimbo dzekunyoresa kunzvimbo dzine vanhu vakawanda, pamwe nekudzidzisa vanhu pamusoro pekunyoresa kuti vagokwanisa kuvhota.

ZEC iri kushandisawo mikana yemisangano kusanganisira yezvematongerwo enyika kupa vanhu dzidziso yakadaro sezvayakaita pamusangano wePresidential Interface muBulawayo nemusi weMugovera.

Pamusangano uyu, mumwe mushandi weZEC asina kudomwa nezita, akaudza vanhu zvinhu zvinodiwa kuti munhu ukwanise kunyoresa kuvhota.

Zvisinei kuti veZEC vanoti kuita izvi hakunetsi, vanhu vakawanda munyika vari kuramba vachichema-chema nerekuti vari kunzi varatidze magwaro anoratidza pavanogara, ayo asina vanhu vakawanda.

Mumwe mugari wemuBulawayo uyo angozvidoma nezita rekuti Humfrey, audza Studio 7 kuti haasati anyoresa nekuda kwekuti ange asati awana nguva uye ange achinzwa nyaya yekuti kunyoresa kwacho kunonetsa.

Mutauriri webato reZapu, VaIphithule Maphosa, vanoti zviri pachena kuti mutemo wekuti vanoda kunyoresa kuti vagokwanisa kuvhota vanofanirwa kuve nemagwaro anoratidza pavanogara, uri kuvhiringidza vakawanda.

Vanoti vamiriri veparamende vanofanirwa kuwona kuti vabatana mukuita kuti mutemo uyu ubviswe.

Chirongwa chekunyoresa vanhu munyika chave muchikamu chechipiri chezvikamu zvina zvechirongwa ichi.

Chikamu chechipiri icho chakatanga musi wa29 Gumiguru chinopetwa musi wa 13 Mbudzi.

Bulawayo ine nzvimbo dzinopfuura mazana mana kuchange kuchinyoreswa vanhu kusvika panopera chikamu chechina chinove chekupedzisira chechirongwa ichi musi wa 19 Zvita.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG