Accessibility links

Breaking News

Magwaro Anotsigira Panogwa neMunhu Ovhiringa Chirongwa cheKunyoresa Kuvhota


MDC -T Yoratidzira Vachishora ZEC
MDC -T Yoratidzira Vachishora ZEC
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Apo huwandu hwevanhu vanyoresa huri kuburitswa neZimbabwe Electoral Commission huri kuratidza kuti vanhu vashoma vari kunyoresa, rimwe sangano rinoshanda rakazvimirira rega rinoti, mutemo wekuti vanhu vave nemagwaro anoratidza kwavanogara kuti vagokwanisa kunyoresa kuvhota unofanirwa kubviswa.

Mumashoko aro mugwaro rarinoburitsa, sangano reVeritas iro rinonyanyoshanda mukuongorora mitemo yenyika rinoti zvariri kunzwa kubva kune vemasangano akasiyana-siyana ari kuongorora sarudzo zvinoratidza kuti vanhu vakawanda vari kusangana nematambudziko mukuwana vanhu vanovasainira magwaro avo ehuchapupu hwekuti vanogara kupi.

Mumashoko aro mugwaro rarinonyora padandemutande nguva nenguva, sangano iri rinoti mutemo wekuti vanhu vanofanirwa kuve nemagwaro anoratidza kwavanogara uye nehuchapupu hunotsigira izvi unofanirwa kubviswa.

Rinoti pane kuti vave nemagwaro aya, zvinofanirwa kuve zvakakwana kuti vanhu vangopa pavanogara pamagwaro avanonyora pavanonyoresa kuvhota, richitiwo veZimbabwe Electoral Commission vanogona kushandisa mutemo wagara uripo wekuti vanhu vanenge vanyora zvekunyepa pakunyoresa kuvhota vanogona kusungwa.

Veritas iri kukurudzira vemasangano akazvimirira, vamiriri veparamende pamwe nevanhuwo zvavo kuti vatore mukana wekuvandudzwa kwebhiri reElectoral Amendment Bill kuti mutemo wemagwaro uyu uchinjwe, richitiwo mimwe mitemo yakadai seAccess to Information and Protection of Privacy Act nePublic Order and Security Act inofanirwa kuti ienderane nebumbiro remitemo yenyika kuti munyika muve nesarudzo dzakachena.

Mutevedzeri wemukuru wesangano reCentre for Public Engagement, uye vachishanda nesangano rePlatform for Leveraging Elections Democracy and Governance, VaButler Tambo, vanoti havawone chinonyanya kunetsa vanhu pakuti vanhu vave nemagwaro anodiwa.

Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC-T variwo mumiriri weBulawayo East muparamende, Muzvare Thabitha Khumalo, vanoti mushure mekufamba kwavaita vachiona chirongwa chekunyoresa, vanobvuma kuti nyaya yemagwaro anoratidza paunogara iri kukonzera dambudziko.

Vanotiwo vamwe vanhu, kunyanya kumamisha, vari kushaya magwaro ekuzvarwa uye kuudzwa zvinhu zvisiri izvo pamusoro penyaya yekunyoresa kuti vagokwanisa kuvhota.

Asi vanoti zvose izvi hazvifanirwe kuita kuti vanhu vawore moyo.

Mukuru wesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights mudunhu reMatabeleland, VaLizwe Jamela, vanoti havapokane nemaonero ekuti mutemo wekuti vanhu vave nemagwaro anoratidza pavanogara uri kukanganisa vazhinji.

Asi vanoti mutemo uyu unobvumidza kuti veZEC vatambire zvinhu zvakasiyana-siyana zvingakwanise kuratidza panogara munhu, vachitiwo veruzhinji vanofanirwa kuzvipira kuti vakwanise kunyoresa kuti vagovhota.

Sangano reZLHR riri kubatsira vanhu nekusainira vanhu pachena magwaro ehuchapupu hwepavanogara.

Zvichakadaro, VaTambo vanoti vanobvumirana nemaonero ekuti mitemo ine chekuita nesarudzo ivandudzwe sarudzo dzisati dzaitwa.

Asi vanoti zvinogona kunetsa kuti hurumende ikwanise kuita izvi munguva yasara kuti sarudzo dziitwe.

Nyika iri pakati pechirongwa chekunyoresa vanhu kuti vagokwanisa kuvhota asi huwandu hwakaburitswa neZEC hunoratidza kuti vanhu vashoma ndivo vakwanisa kunyoresa kusvika pari zvino.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG