Accessibility links

Breaking News

Vakamboshandira Old Nic Mine Vodzinga Mudzimba


Vamwe vakadzingwa mudzimba vakashandira Old Nic Mine kwemakore makumi mzimbabwe atatu
Vamwe vakadzingwa mudzimba vakashandira Old Nic Mine kwemakore makumi mzimbabwe atatu

Vamwe vaimbove vashandi vepamugodhi weOld Nic Mine kunze kweguta reBulawayo vapinda muzuva rechitanhatu vachigara panze mushure mekunge chikonzi nemapurisa vavadzinga mudzimba dzavange vachigara pamugodhi uyu.

Vashandi ava, avo vanosvika makumi maviri nevasere pamwe nemhuri dzavo, vakadzingwa mudzimba dzepamugodhi wepaOld Nic Mine nemusi weChitatu svondo rapera vachinzi havachafanirwe kuramba vari mudzimba idzi sezvo vasingachashande pamugodhi uyu.

Asi vamwe vevashandi ava vaudza Studio7 kuti hapana kwavangaenda nekuti havasati vapiwa mari dzavo dzavakashandira kwemakore akawanda vasati vasiya basa.

Mumwe wevanhu ava, VaSayinozi Ariyeri, vanoti vakashandira kambani yeOld Nic Mine kwemakore anopfuura makumi matatu asi kusvika nanhasi havasati vawana mari yavo.

VaAriyeri vanotiwo vakabhadharira imba yavaigara kwemakore akawanda saka havawone zvakakodzera kuti vadzingwe mumba umu.

Amai Mabel Chipazera vane murume wavo aishanda paOld Nic Mine ivo pachavo vaiitawo basa remumba vachishandira mumwe wevakuru vakuru vepamugodhi uyu.

Amai Chipazera vanoti kudzingwa kwakasiya midziyo yavo yapunzika uye kwave kuita kuti vana vavo vatadze kuenda kuchikoro.

Amai Grace Mavhangira avo vane mwana wavo ange achishanda pamugodhi uyu achivachengeta ivo pamwe nevamwe vana vavo, vatsinhirawo kuti kudzingwa mudzimba uku kwavaunzira matambudziko uye vave kutyira hutano hwavo sezvo vasingakwanise kuwana mvura yakachena yakakwana yekushandisa zuva nezuva.

Mumwe mwana waAmai Mavhangira, Tendayi, uyo ari kuita Form 4 pane chimwe chikoro muBulawayo, anoti ave kutadza kugadzirira bvunzo dzake zvakanaka mushure mekudzingwa mumba uku.

Old Nic Mine mugodhi wegoridhe waive pasi pekambani yeFalcon Gold.

Pakupera kwegore ra2015 kambani iyi yakazivisa kuti yaive yave kuvhara mugodhi uyu nekuda kwekuti goridhe range rave kutengwa nemari shoma pamusika wepasi rose.

Izvi zvakasiya vashandi vanosvika mazana matatu vatarisana nekurasikirwa nemabasa.

Vanoziva nezviri kuitika vanoti pane imwe kambani yakazouya ikati ichazoramba ichiita basa pamugodhi uyu asi vakuru vakuru vekambani iyi vakati vaizotora vashandi vanenge vabvuma kuti vaisazopiwa mari yavo yavaifanirwa kupiwa nekambani yeFalcon Gold.

Mumwe wevashandi, VaMaxmillan Taruvinga, vati chavonoda ndechekuti vapiwe mari yavo kuti vagokwanisa kuenderera mberi nehupenyu hwavo.

Pari zvino nyaya yevashandi veOld Nic Mine iri mudare reHigh Court uko magweta evashandi ava ari kurwisa kuti vasadzingwe mudzimba vasati vapiwa mugove wavo wakakwana.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuvakuru vakuru veOld Nic Mine kana kumagweta evashandi ava.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG