Accessibility links

Breaking News

VaDabengwa Vanoti Zviri Kuitwa naVaMugabe Zvinogona Kupa Kuti Mauto Apindire


VaDumiso Dabengwa
VaDumiso Dabengwa

Mutungamiri webato reZAPU, VaDumiso Dabengwa, vanoti zvinogona kuitika kuti vechiuto vapindire munyaya yekudzingwa kwevaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, sezvo vamwe muchiuto vasiri kufara nezviri kuitwa naVaMugabe.

Vachipindura mubvunzo wekuti vanoona sei mamiriro ezvinhu munyika mushure mekudzingwa kwakaitwa VaMnangagwa muhurumende, VaDabengwa vati kupindira kwevechiuto munyaya iyi chinhu chinogona kuitika.

VaDabengwa, avo vange vachitaura pachiitiko chekuzivisa nezvekuvamba sangano ravo reDoctor Dumiso Dabengwa Foundation neChipiri muBulawayo, vati ivo havangade havo kuti izvi zviitike asi vechiuto vanogona kubvuta masimba uye izvi zvinogona kukonzera mhirizhonga nekudeuka kweropa munyika.

Vati semaonero avo kubvuta masimba kwechiuto kwakadaro kunogona kutsigirwa neveruzhinji.

Murwi wehondo yerusununguko pasi pamauto eZIPRA, Retired Colonel Baster Magwizi, avo vange varipowo pachiitiko ichi vaudza Studio 7 kuti kupindira kwemauto munyaya yaVaMnangagwa kunogona kuitika kana pakave nevamwe vakuru vakuru vemuchiuto vangadzingwawo basa.

Rtd Colonel Magwizi, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro zvekuvaka runyararo, vati kubvuta masimba kwevechiuto kunogona kugadzirisa mamiriro ezvinhu munyika ndokunge vechiuto ava vakazodzorera masimba kuvanhu nekukasika.

Mushure mekudzingwa kwaVaMnangagwa neMuvhuro vanhu vakawanda munyika vari kutyira kuti munyika munogona kuita mhirizhonga mushure mekunge vechiuto vabvuta masimba kubva kuhurumende, sezvo VaMnangagwa vachinzi vane rutsigiro rwemauto.

Mutori wenhau anoshanda akazvimirira ega uye vane gwaro repadandemutande raanonyora zvikuru pamusoro pezvematongerwo enyika, Thelma Chikwanha, anoti anobvumirana nemaonero ekuti kudzingwa kwaVaMnangagwa pamwe nekusimudzirwa kwaAmai Grace Mugabe, kunogona kukonzera kusagadzikana munyika.

Mukuru wesangano reZimbabwe Organisation for Youth in Politics, VaNkosilathi Moyo, vanoti havawone mauto achida kutsigira VaMnangagwa nenzira yekubvuta masimba kubva kuhurumende vachitiwo izvi zvingadai zvakaitika kare dai VaMnangagwa vaive nerutsigiro rwakadaro.

Mutungamiri wePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vanotsigirawo mawonero aya vachiti havawone vechiuto vane masimba kana hushingi hwekukwanisa kubvuta masimba kubva kuhurumende.

Vachitaura kune vamwe vatori venhau munguva pfupi yapfuura, mukuru wemauto General Constantine Chiwenga vakati ibasa remauto kudzivirira nyika uye kuwona kuti bumbiro remutemo wenyika ratevedzerwa.

Murongi wemabasa musangano reAbammeli Human Rights Lawyers Network, VaTineyi Mukwewa, vanoti vanoona sekuti vechiwuto vangave nechikonzero chekupindira munyaya yekudzingwa kwaVaMnangagwa chete kana VaMugabe vakatadza kutevedzera zvinenge zvataurwa nematare.

Asi vanoti izvi zvingaitika chete kana ivo VaMnangagwa vakakwidza nyaya yavo kumatare uye matare akatonga kuti kudzingwa kwavo hakuzi pamutemo.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG