Accessibility links

Muchina Mutsva Unovheneka Gomarara Rinoita paZamu Woparurwa kuMpilo

  • Taurai Shava

Parirenyatwa

Gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vaparura kushandiswa kwemuchina mutsva unoongorora gomarara remazamhu paMpilo Hospital muBulawayo.

Vachitaura pachiitiko ichi neChina masikati, Dr Parirenyatwa vati zvirwere zvisingatapuriranwe zvakadai segomarara zvave kuramba zvichiwanda munyika vakati zvakakosha kuti nyika isimudzire kurwisa zvirwere izvi sekurwisa kwairi kuita HIV/ AIDS.

VaParirenyatwa vati kuvepo kwemuchina uyu paMpilo kuchabatsira zvikuru pakurwisa chirwere chegomarara repazamhu munyika sezvo chipatara ichi chiri icho chipatara kuchamhembe kwenyika.

Dr Parirenyatwa vati veruzhinji havafanirwe kubhadhariswa zvachose pakushandisa muchina uyu.

Asi vaudzwa kuti kubhadharisa vanhu kunozovepo nekuda kwekuti chipatara cheMpilo hachina mazvikokota anonzi radiologist anokwanisa kududzira zvinenge zvaburitswa nemuchina uyu uye chipatara ichi chinobhadhara vanhu vekunze vanoita izvi.

Mukuru wechipatara cheMpilo, VaLeonard Mabandi, vaudza Studio7 kuti hapana chavanoona chakaipa pakusabhadharisa vanoshaya mari yekushandisa muchina uyu, asi vati zvinenge zvakakosha kuti vanowana vabhadhare.

Muchina uyu unokosha madhora zviuru mazana mashanu.

Sangano reNational AIDS Council iro rakatenga muchina uyu rakabhadhara $225,000 sezvo kambani yePhilips yakagadzira muchina uyu, yakati yaizobatsira nekubhadhara imwe mari.

Mukuru weNAC , Doctor Tapuwa Magure, vaudza Studio7 kuti sangano ravo rave kupindirawo mukurwisa chirwere chegomarara richishandisa ruzivo rwariinarwo mukurwisa HIV/AIDS.

Muchina uyu ndiwo wechitatu wakadaro kuve muchipatara chehurumende munyika mushure memumwe uri paParirenyatwa nemumwe uri paMutare Provincial Hospital.

Zvichakadaro Dr Parirenyatwa vaudza Studio7 kuti hurumende ine zvinzvimbo zvinopfuura mazana maviri zvemadhokotera zvisina vanhu munyika mose.

Vati hurumende inoda chose kupa mabasa aya kunaana chiremba vemuno asi vati vakawanda vanoramba mabasa aya vachiti mari yemuhoro inopiwa nehurumende ishoma.

Munguva pfupi iri kutevera hurumende iri kuunza vana chiremba zana vanobva kuCuba uye Dr Parirenyatwa vati vana chiremba ava vanenge vachipiwa mari yakafanana neinopihwa vamwe vana chiremba vose vumuno.

Vana chiremba pamwe naana mukoti vemunyika vakawanda vari kushanda kunze kwenyika uko vanoti vanowana mari yemuhoro yakawanda uye vachishanda zvakanaka kupfuura zvavanoita muZimbabwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG