Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheBVR Chinotanga muBulawayo Vanhu Vashoma Vachipinda Machiri


BVR Byo
BVR Byo

Kunyoreswa kwevanhu kuti vagokwanisa kuvhota kwatanga muguta reBulawayo kuine vanhu vashoma vange vachinyoresa kuvhota, michina yeBiometric Voter Registration, BVR, ichitadza kunyatsoshanda pane zvimwe zvainotarisirwa kuita, ukuwo vamwe vanhu vachiti chirongwa ichi chinofanirwa kushambadzwa zvakasimba sezvo veruzhinji vasina ruzivo rwakakwana pamusoro pacho.

Vanhu vange vachiuya vari vashoma, asi kunyoreswa kwavo kuti vagokwanisa kuvhota kwazotanga nguva dzekuma 9 mangwanani pamahofisi eZimbabwe Electoral Commission, ZEC, muBulawayo, sezvo vashandi veZEC vambotanga nekuwona kuti muchina wavo unoshanda zvakanaka here.

Kunyange hazvo muchina uyu wange uchishanda zvakanaka, wange uchimbotadza kuita zvimwe zvaunotarisirwa kuita zvakadai sekukwanisa kuburitsa mazita enzvimbo dzekuti vanhu vanyoresa vanokwanisa kuzonotarisa kuti mazita avo akanyorwa zvechokwadi here kuti vagokwanisa kuvhota kana kuti polling center.

Munhu atanga kunyoreswa pahofisi yeBulawayo District, VaAbel Ncube, vati vafara kuti vakwanisa kunyoresa, asi vange vachinyunyuta kuti izvi kwavatorera nguva, izvo zvatsigirwawo naVaWeston Dumba avo vaita munhu wechipiri kunyoresa.

VaDumba vati kunyange hazvo zvingave zvinotora nguva, zvakakosha kuti vanhu vose vanokodzera munyika vave vanonyoresa kuti vagokwanisa kuvhota.

VaDumba vatiwo maonero avo ndeekuti veruzhinji havasati vave neruzivo rwakakwana pamusoro pechirongwa chekunyoresa kuti vagokwanisa kuvhota.

Mumwezve mugari wemuBulawayo VaAustin Moyo, avo vanogara mumusha weveruzhinji weCowdray Park, vaudza Studio7 kuti vange vachitevera nyaya yekunyoreswa kwevanhu kuti vagokwanisa kuvhota saka vaona zvakakosha kuti vauyewo vanyorese.

Chirongwa chekunyoresa vanhu kuti vagokwanisa kuvhota chakaparurwa zviri pamutemo nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, svondo rapera muHarare asi nekuda kwekuti pari zvino michina yekunyoresa ichiri mishoma, kunyoreswa uku kuri kungoitwa panzvimbo shoma kunyanya pane mahofisi eZEC mumatunhu akasiyana-siyana munyika.

Pari zvino pamahofisi eZEC ari kumahombekombe kweguta kwakadziva kumadokero ndipo pari kunyoreswa vanhu vari pasi peBulawayo District pamwe neveUmguza District.

Mukuru anoona nezvesarudzo muBulawayo, Amai Sithembiso Khupe, vabvuma kuti muchina wavo wambovanetsa asi vati vari kufara nemafambiro aita chirongwa pakutanga kunyoreswa kwevanhu.

Amai Khupe vati hofisi yavo yeBulawayo yakanzi ichapiwa michina zana negumi rimwe chete uye vachave nenzvimbo dzinopfuura mazana mana dzavachange vachinyoresa vanhu.

VeZEC vanoti chirongwa chekunyoresa vanhu chichasimudzirwa zvakasimba kana vawana mimwe michina iyo vakati vanotarisira kuwana pakati pemwedzi unouya.

Kuti munhu ukwanise kunyoresa kuvhota unofanirwa kuve uri chizvarwa chemuZimbabwe chine makore gumi nemasere, kana kupfuura, uye unofanirwa kuve nechitupa, cherata kana cheplastic, chine mufananidzo wechiso chako kanawo gwaro rekufambisa richiri kushanda.

Rezinesi yemotokari haikwanise kushandiswa pakunyoresa kuvhota.

Munhu unozodawo gwaro rinoratidza paunogara ingave tsamba yemvura iri muzita rako kana gwaro raunonyora rosainwa naCommissioner of Oaths, sabhuku kana mumwe munhu akadaro.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG