Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheBVR Chotadza Kubudirira kuMatabeleland


Vamwe vanhu vakatadza kunyoresa nekuti havana mapepa ekuzvarwa
Vamwe vanhu vakatadza kunyoresa nekuti havana mapepa ekuzvarwa

Chikamu chekutanga chekunyoreswa kwevanhu kuti vagokwanisa kuvhota chapera neChitatu munzvimbo dzakawanda munyika.

Asi kushomeka kwevanhu vanyoresa kuvhota mumatunhu eMatabeleland kusvika pari zvino kwasiya vamwe vaine mibvunzo kuti sei vanhu mumatunhu aya vari kusada kunyoresa kuti vagokwanisa kuvhota.

Mukuru anoona nezvesarudzo muBulawayo, Amai Sithembiso Khupe, vati kusvika neChipiri hofisi yavo yange yanyoresa vanhu zviuru makumi matatu nezvinomwe mudunhu reBulawayo.

Huhwandu uhu hahuna kunyanya kusiyana nehuhwandu hwevanhu vakanyoresa kuti vagokwanisa kuvhota mumatunhu eMatabeleland North neMatabeleland South uye matunhu matatu aya ndiwo ane vanhu vashoma vanyoresa kuvhota kusvika pari zvino munyika mose.

Vachinyora paFacebook page yavo munguva pfupi yapfuura mukuru wesangano reRestoration of Human Rights mudunhu reMatabeleland South, VaBekezela Fuzwayo, vakaratidza kushushikana nenyaya yekuti vanhu vemumatunhu eMatabeleland ndivo vashoma pane vanyoresa kuvhota munyika mose, vachiti vanhu vemumatunhu aya havafanirwe kuzvitora sevanhu vasiri zvizvarwa zvemuZimbabwe.

Murongi wemabasa musangano reAbammeli Human Rights Lawyers Network, VaTineyi Mukweva, vanoti ongororo yesangano ravo inoratidza kuti pane zvikonzero zvakawanda zviri kuita kuti vanhu vemumatunhu eMatabeleland vasanyorese zvinosanganisira nyaya yekuti veZimbabwe Electoral Commission havana kushambadza chirongwa ichi zvakakwana uye vamwe vanhu vakawanda munzvimbo idzi havana magwaro ekuzvarwa nawo nekuda kwenyaya yeGukurahundi.

VaMukwewa vanotiwo vanhu vakawanda, kunyanya vemumatunhu aya, vawora moyo nekuda kwekuti vanoona hurumende isina hany’a nekuunza budiriro munzvimbo idzi uye ichivabata neseri kweruoko.

Mutevedzeri wemukuru wesangano reCentre for Public Engagement vachishandawo nemubatanidzwa wePlatform for Leveraging Elections, Democracy and Governance, VaButler Tambo, vanotiwo nyaya yekuti vanhu vemumatunhu ekuMatabeleland vanoona sevanobatwa sevasiri zvizvarwa zvemuZimbabwe, ine chekuita nekusada kwavo kunyoresa kuti vagokwanisa kuvhota.

Mukuru wesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights mudunhu reMatabeleland, VaLizwe Jamela, vanotsinhirawo izvi vachiti zvisinei kuti vangave nezvikonzero zvakajeka zvekuita izvi, kuregedza kwevanhu kunyoresa kuti vagokwanisa kuvhota kwakafanana nekuramwira munda kumakudo.

Chikamu chechipiri chichatanga musi wa29 Gumiguru chichizopetwa musi wa 13 Mbudzi.

Bulawayo ine nzvimbo dzinopfuura mazana mana kuchange kuchinyoreswa vanhu kusvika panopera chikamu chechina chinove chekupedzisira chechirongwa ichi musi wa 19 Zvita.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG