Accessibility links

Breaking News

Mamwe Madzimai Obudirira kuMatebeleland South


Zimbabwe Rural Women
Zimbabwe Rural Women
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Apo ruzhinji munyika ruri kuramba ruchitambura nekuda kwekusamira zvakanaka kwehupfumi, vamwe vagari vekumaruwa ekuBulilima neMangwe kuMatabeleland South vave kushandisa chirongwa chemukando, kwete kungozvibatsira ivo pachavo, asi kuedzawo kuita zvirongwa zvinounza budiriro munharaunda yavo.

Kune vamwe vanhu vakawanda hachingave chinhu chekutaura nezvacho kuti vakwanisa kusungirira dhora padivi kuti vachengetedze.

Asi kumadzimai akawanda ekumaruwa ekuBulilima nekuMangwe, nyaya yekuti vari kukwanisa kuwana mari shoma yakadaro muzvikwata zvekuchengetedza nekukweretesa mari, inyaya iri kuvafadza zvikuru.

Ambuya Olica Mahoko mugari weku Tekwani Village, kana kuti Ward 21, kuBulilima inhengo yeZenzeleni Self Help Group uye vanoti vasati vave nhengo yechikwata chekuchengetedza nekukweretesa mari, vairarama hupenyu hwainetsa sezvo murume wavo ari pamudyandigere.

Asi vanoti ikozvino vave kukwanisa kubatsirawo murume wavo mukuriritira mhuri yavo kusanganisira vazukuru vavo.

Chikwata cheZenzeleni ndechimwe chezvikwata zvekuchengetedza nekukweretesa mari zviri mumaruwa eBulilima neMangwe zvakaumbwa nerubatsiro kubva kusangano reCommunity Foundation for the Western Region.

Nzvimbo dzeBulilima neMangwe dziri kuchamhembe kwakadziva kumadokero kwedhorobha rePlumtree mudunhu reMatabelaland South.

Sekune dzimwe nzvimbo dzakawanda dziri mudunhu iri, kumaruwa aya hakunaye mvura yakawanda uye kunopisa zvekuti vanhu vemunzvimbo iyi vanorarama nekurima mhunga nemapfunde.

Misha yakawanda yemunzvimbo iyi inotungamirwa nevanhukadzi sezvo vanhurume vakawanda vachiwanza kuve vari kunyika dzakaita seBotswana neSouth Africa kwavanenge vachitsvaga raramo.

Mumwe mugari wekuTekwani, Muzvare Yeukai Zirebwa, vanoti kuve muchikwata chinochengetedza mari kwakavabatsira kuti vavhurike pfungwa vakwanise kuita zvinhu zvakasiyana-siyana pakuzviriritira.

Chirongwa cheBulilima neMangwe chine zvinhanho zviviri chinoti cheSelf-help Group kozoita chepamusoro chinonzi Cluster Level Association icho chinobatanidza zvikwata zvema Self-help Group.

Muzvare Zirebwa, avo vari muToendambeli Cluster Level Association, vanoti basa guru rechikamu ichi nderekuwona kuti zvikwata zvidiki hazvife.

Amai Florence Tjikwane vekuSilima Village kana kuti Ward 13 kuMangwe kwakare, vanoti zvikwata zveCluster Level Association zvakananganawo nekubatsira vamwe vanhu vose vemunharaunda kunyange vasiri muzvikwata izvi, uye kubatsirawo kuunza budiriro munharaunda.

Munguva pfupi yapfuura, veCommunity Foundation for the Western Region, vakapa chiuru chimwe chemadhora kumadzimai ekuTshitshi Village kana kuti Ward 7 kuti vatangewo homwe yavo.

Kusvika pari zvino zvikwata zvose zvekuchengetedza mari muBulilima neMangwe zvine mari inopfuura zviuru makumi masere nezvipfumbamwe zvemadhora uye kanzura weWard 14 variwo munyori wehomwe yemari iyi, VaPakamisa Sibanda, vanotarisira kuti homwe iyi ichange yakura kusvika pamamiriyoni gumi emadhora mukati memakore gumi.

Vanoti mari iyi ichange ichishandiswa muzvirongwa zvinosimudzira nharaunda zvakaita sekugadzira migwagwa, kuvaka makiriniki pamwe nezvikoro.

Chipangamazano musangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaNyasha Muchichwa, vachitaura vakazvimirira, vanoti zvirongwa zvekuchengeta nekukweretesa mari zvinobatsira chose mukusimudzira hupenyu hwevanhu.

Murongi wemabasa musangano reCommunity Foundation for the Western Region, Muzvare Buhle Ndlovu, vanoti chirongwa chiri kuitwa nevanhu vekuBulilima neMangwe muenzaniso wakanaka unoratidza kuzvipira kwevamwe vanhu mukuzvisimudzira vasingamirire kungobatsirwa nevemasangano anoshanda akazvimirira ega.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG