Apo munyika mave kutanga kuita mitsetse yekutenga mafuta emotokari ukuwo zvimwe zvinhu zvinoshandiswa nevanhu zuva nezuva zvave kutanga kushaikwa muzvitoro, vamwe vanoti gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya, vanofanirwa kusiya basa nekuti vakundikana.
Kwezuva rechina neMuvhuro nzvimbo dzakawanda muguta reBulawayo dzange dzisina mafuta emotokari uye pamashoma magaraji ange ane mafuta aya, pange pane mitsetse yemotokari yakareba.
Vamwe vanhu vati vave kutyira kuti dambudziko rekushaikwa kwezvinhu munyika, kunyanya mafuta emotokari, rave kudzoka zvekare uye richawedzera izvo zvichakonzerawo kushaikwa kwezvimwe zvinhu zvakawanda.
Mumwe wevataura neStudio7, Muzvare Tecla Phiri, vati vave nemazuva maviri vasingashandise motokari yavo nekuda kwekushaya peturu.
Mumwe mutyairi wetekisi muBulawayo uyo asina kuda kudomwa nezita kana kubuda pamhepo ati vave kuita zvekutenga peturu pamukoto izvo ati zvinoita kuti vawane mari shoma pabhizimisi ravo rekutakura vanhu.
Vamwe vanoziva zviri kuitika vanoti vamwe vagari vemuBulawayo nedzimwe nzvimbo mudunhu reMatabeleland vave kuenda kunotenga peturu kuBotswana kana kuSouth Africa.
Dambudziko rekushaikwa kwepeturu riri kuwanikwa munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika mose kusanganisira Harare, Chinhoyi, Masvingo, Mutare nemamwe maguta.
Mudhorobha reChinhoyi nzvimbo dzakawanda dzinodira mafuta dzange dzakavharwa nekuda kwekushaikwa kwemafuta.
Nzvimbo dzine mafuta dziri kutengesa nemadhora ekuAmerica chete vachiti; havatambire mari yema bond note kana kubvumidza vanhu kutenga nemakadhi.
VaStubby Mwayera ndemumwe wevachairi vemotokari vati varambirwa kutenga peturu nemari yema bond kuChinhoyi.
Mumwe mutyairi, VaTinashe Kambanje, vati maonero avo ndeekuti mafuta edzimotokari aripo asi vanotengesa vanoda kutengesa nemari yekuAmerica izvo zvisingabvumirwe nemutemo.
Vamwe vanotiwo matambudziko ekushaikwa kwemari, mafuta emotokari pamwe nezvimwe zvinhu zvinogaroshandiswa neveruzhinji, anoratidza kuti VaMangudya vakundikana pabasa ravo.
Pakaparurwa kwemari yema bond notes, VaMangudya vakati danho iri raizobatsira kugadzirisa dambudziko rekushaikwa kwemari yekunze munyika, Vakatiwo vaizosiya basa kana dambudziko iri rikasagadzirika.
Mukuru weAffirmative Action Group muMatabeleland, VaReginald Shoko, vanoti dambudziko rekushaikwa kwemari ndiro riri kukonzera mamwe matambudziko ose munyika vachiti nyaya iyi inotoda kuti hurumende yose, kwete RBZ chete, iite muonera pamwe.
VaShoko ndemumwe weavo vanoti VaMangudya vanofanirwa kusiya basa.
Mutevedzeri wemukuru wesangano reCentre for Community Engagement, VaButler Tambo, vachitaura semuongorori wezvehupfumi akazvimirira ega, vanoti vanobvumiranawo nekuti VaMangudya vasiye basa vachiti matambudziko ari kuitika munyika ari kukonzerwa nekuti nyika haina zvigadzirwa zvakawanda zvairi kugadzira.
Vanotiwo rimwe dambudziko nderekuti veruzhinji havana chivimbo nemashandiro emabhanga munyika vachiti zvingabatsira nyika kuti ipinde mumubatanidzwa weRand Monetary Union kuti igokwanisa kushandisa mari yeRand yekuSouth Africa zviri pamutemo.
Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuna VaMangudya kana gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, panyaya iyi.
Asi mashoko ari kubuda anoti hurumende iri mushishi rekutsvaga mari senzira yekuedza kuti peturu nezvimwe zviwanike munyika.
Facebook Forum