Accessibility links

Ambuya Msika Vanorangarirwa muBulawayo Vasati Varadzikwa kuHeroes Acre neChina

  • Taurai Shava

Bhokisi raAmbuya Msika

Vanhu vane chitsama vaungana paSt John Anglican Cathedral muguta reBulawayo Chitatu mangwanani pamunamato wekuwonekana nemushakabvu, Ambuya Maria Msika, mudzimai wevaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, mushakabvu Joseph Msika.

Vanhu vataura pachiitiko varumbidza mushakabvu vachiti munhu aive nerudo kwete kumhuri yake nehama dzake chete, asi nekune vamwe vanhuwo zvavo.

Gurukota redunhu reBulawayo Metropolitan, Amai Eunice Sandi Moyo, vati Ambuya Msika munhu aive akashinga mukuriritira mhuri yavo zvisinei nezvimhingamupinyi zvavaisangana nazvo nekuda kwekuti murume wavo aive mumwe wevakuru vakuru vairwira rusununguko kubva kuhotongi hwevachena.

Vatiwo Ambuya Msika mucherechedzo wemadzimai akawanda akaita basa guru mukurwira rusununguko rwenyika asi vakaramba vakazvininipisa muhupenyu hwavo hose.

Muroora waAmbuya Msika, vangodomwa vachinzi Amai Msika, avo vataura vakamirira vemhuri yekwaMsika, vatsinhirawo kuti Ambuya Msika vaive munhu ane rudo nemoyo murefu vachiti vaivabata semwana wavo kubvira pekutanga.

Mushure memunamato waitwa mangwanani, mutumbi waAmbuya Msika wabva waendeswa kuHarare uko vachanovigwa panzvimbo inovigwa magamba enyika panational Heroes Acre.

Ambuya Msika, avo vange vave nemakore makumi masere nemapfumbamwe, vasiya vana vatatu, vazukuru pamwe nevana vevazukuru vane chitsama.

Mune imwewo nyaya, apo zvinhu munyika zviri kuramba zvichinetsa munyaya dzezvehupfumi munyika, mapurisa muBulawayo ange achifamba achisunga vangu vanoita basa rekuchinja mari mumigwagwa.

Mukuru wemapurisa muBulawayo, Senior Assistant Commissioner Stephen Mutamba, havana kuda kuramba kana kubvuma nyaya iyi asi vati kusungwa kwevanhu vakadaro ibasa rinogara richiitwa nemapurisa nguva nenguva.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG