Accessibility links

Breaking News

Dare Rinodzosera VaKombayi Kuti Vaite Basa Ravo saMeya weGweru


VaHamutendi Kombayi.
VaHamutendi Kombayi.

Dare repamusoro rakatara mutongo wekuti vakanga vadzingwa sameya weGweru, VaHamutendi Kombayi, nemutevedzeri wavo, VaKenneth Sithole, vadzoke pabasa.

Magweta ange achimirira vaviri ava audza Studio7 kuti vakatambira mutongo uyu neChipiri.

Rimwe remagweta aya, VaEsau Mandipa, vati vari kufara zvikuru nemutongo uyu vachiti unoburitsa pachena kuti vaviri ava vaive vasina mhosva zvisinei nemutongo waive wapiwa neTribunal yaive yasarudzwa negurukota rezvekutongwa kwamatunhu, VaSaviour Kasukuwere.

VaMandipa vati mutongo uyu unoreva kuti vaviri ava vave kudzokera pakuve makanzura uye vanofanirwa kupiwa mari dzavo dzose dzavaifanirwa kupiwa vari pabasa.

Muna Nyamavhuvhu wegore rapera, VaKasukuwere vaive vamisa basa makanzura ose gumi nemasere kusanganisira VaKombayi naVaSithole, ndokuzovadzinga zvachose muna Kurume wegore rino, vachivapomera mhosva yekutadza kuita basa nemazvo pamwe nehuwori.

VaKombayi naVaSithole nemamwe makanzura gumi vaive vakwira kudare vachipikisa kumiswa basa kwavo uku.

Mamwe makanzura gumi akadzorwa pabasa muna Kurume gore rino asi vaviri ava vange vachakamiswa basa.

VaBrian Dube, rimwezve gweta range rakamirira makanzura aya, vati havawone VaKasukuwere vachikwanisa kupikisa mutongo wekuti VaKombayi naVaSithole vadzokere kubasa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuna VaKasukuwere kana kubazi rezvekutongwa kwematunhu panyaya iyi.

Asi mudzidzisi wezvekugarisana zvakanaka kwevanhu paZimbabwe Open University variwo mugari wemuGweru, VaDidmus Dewa, vanoti nyaya yekudzingwa kwemakanzura yadzorera kumashure zvikuru nyaya yebudiriro muguta reGweru.

Bato rinopikisa reMDC-T rinogara richichema-chema kuti gurukota rezvematunhu rinopindira munyaya dzemafambisirwo emabasa mumakanzuru emumaguta ari munyika.

Mune imwewo nyaya, vesangano re’This Constitution, My Constitution’ vanoti vari kushushikana zvikuru nekubuda pachena munguva pfupi yapfuura kwemutungamiri wemadzishe, Ishe Fortune Charumbira, vachiratidza kuti vanotsigira bato riri kutonga reZanu PF.

Murongi we ‘This Constitution, My Constitution’ Muzvare Abigale Mupambi, vaudza Studio7 kuti vane hurongwa hwekukwira kumatare vachiti vanoda kuti madzishe emunyika aremekedze mutemo unoti havafanirwe kupindira mune zvematongerwo enyika.

Madzishe emunyika akaita musangano wawo wepagore muguta reBulawayo svondo rapera.

Varwiri vekodzero dzevanhu pamwe nevamwe vanhuwo zvavo vanogara vachinyunyuta nenyaya yekuti mamwe madzishe anoshungurudza vanhu pamusoro pezvematongerwo enyika.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG