Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voshandisa Social Media Vachikurudzirana Kunyoresa Kuvhota


Vazhinji Vave Kushandisa 'Social Media' Mukutaurirana
Vazhinji Vave Kushandisa 'Social Media' Mukutaurirana

Mamwe masangano anoshanda akazvimirira ega pamwe nemapato ezvematongerwo enyika ari kushandisa ‘social media’ kukurudzira vanhu kuti vanyorese kuti vagokwanisa kuvhota.

Asi izvi zviri kusiya vamwe vaine mubvunzo wekuti kuita izvi kunobatsira here kuti vanhu vanyorese vagovhota nehuwandu hwavo.

Mapato ezvamatongerwo enyika pamwe nemamwe masangano anoshanda akazvimirira ega uye vanhuwo zvavo vari kushandisa ‘social media’ kunyanya paWhatsApp senzira yekukuridzira vanhu kuti vanyorese kuti vagokwanisa kuvhota.

Izvi zvave kuita kuti vamwe vabvunze kuti kuita izvi kungabatsira here panguva iyo pane maonero ekuti vamwe veruzhinji vari kushaya hany’a nekunyoresa kuti vagokwanisa kuvhota.

Nyanzvi muhumhizha hwekufambiswa kwemashoko, VaNigel Gambanga, vanoti vanoona ‘social media’ ichibatsira zvikuru mukukurudzira vanhu kuti vanyorese kuti vagovhota sezvo humboo hunobva kuboka rePost and Telecommunications Regulatory Authority huchiratidza kuti vanhu vakawanda munyika vari kushandisa social media kunyanya WhatsApp.

VaGambanga vanotiwo nekuda kwekuti dzimwe nhepfenyuro nemamwe mapepanhau zviri pasi pehurumende, kushandisa ‘social media’ kunopa masangano anoshanda akazvimirira ega, pamwe nemapato ezvematongerwo enyika, mukana wekuti vaitewo kurudziro yavowo pasina kumbunyikidzwa.

VaVictor Chimhutu ndivo sachigaro wesangano reZimbabwe Yadzoka iro rine chirongwa chinonzi Zvimakire zama vhota/ Decide Your Destiny Vote Campaign.

Pasi pechirongwa ichi veZimbabwe Yadzoka vari kushanda nevamwe vaimbi vakasiyana siyana munyika vachikurudzira vanhu, kunyanya vechidiki, kuti vanyorese kuti vagokwanisa kuvhota.

Mudzidzisi wezvekutapanhau paFalmouth University kuUnited Kingdom, VaHayes Mabweazara, vanoti kushandisa social media kunogona chose kubatsira kukurudzira vanhu kuti vagokwanisa kuvhota, asi vanotiwo vakawanda vanowana mashoko ekurudziro yakadaro, vanhu vari kunze kwenyika vasingakwanise kunyoresa kuti vagokwanisa kuzovhota musarudzo dzegore rinouya.

Dzimwewo nyanzvi mune zvekufambiswa kwemashoko dzinoti kunyange hazvo vanhu munyika vave kushandisa social media zvakanyanya, kushandisa nzira iyi kukurudzira veruzhinji kuti vanyorese kuti vagokwanisa kuvhota kunogona kushaya basa sezvo vanhu vane tsika yekusatevedzera zvavanenge vawona kana kunzwa pa’social media’ apa.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG