Accessibility links

Breaking News

Kushandiswa kweSocial Media Kosimudza Mutauro Munyika


Veruzhinji VaveKushandisa 'Social Media' muKutaurirana
Veruzhinji VaveKushandisa 'Social Media' muKutaurirana
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaMatshobana Ncube, vanoti vanhu munyika vane chikonzero chekutyira kuti kodzero dzavo dzinogona kumbunyikidzwa nemutemo unoda kudzikwa nehurumende une chekuita nekushandiswa kwedandemutande.

Asi vanoti bumbiro remitemo yenyika rakajeka zvakanyanya panyaya yekuti vanhu vane kodzero yekutaura vasingambunyikidzw, kana kuti Freedom of Expression, vachitiwo kana mutemo uyu ukapikisana nebumbiro remitemo, vanhu vanogona kukwira kumatare vachiupikisa.

Mutori wenhau anoshanda akazvimirira ega, Muzvare Fortune Dlamini, vatsinhirawo izvi vachiti kunyange hazvo hurumende ichigona kuvhiringidza mashandisirwo edandemutande, kuita izvi kunonetsa.

Nyanzvi munyaya dzehumhizha mukufambiswa kwemashoko, VaNigel Gambanga, vanoti hurumende ine nhoroondo yekuedza kuvhiringidza mashandiro edandemutande saka hazvishamise kana ikaedza kuwedzera kuita izvi.

Asi VaGambanga vanoti vanhu vanogona kushandisa dzimwe nzira dzinoita kuti vakwanise kuramba vachishandisa dandemutande.

VaGambanga vanoti zvakakosha kuti kuve nemutemo une chekuita nekushandiswa kwedandemutande sezviri munyika dzakawanda pasi rose asi izvi hazvifanirwe kureva kumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu.

Hurumende yakaburitsa mashoko ekuti kukwira kwemitengo yezvinhu kwakaitika munyika munguva pfupi yapera kwakakonzerwa nevanhu vaida kupidigura hurumende vachishandisa manyepo padandemutande.

Mutevedzeri wemukuru weCentre for Public Engagement, VaButler Tambo, vanoti kuve nemutemo unowomesera vanhu pakushandisa dandemutande kunogona kuti dambudziko riri kuedza kudzivirirwa nehurumende ritokura.

Vanoti huruemende inofanirwa kurega veruzhinji vachizvisarudzira vega kuti zvinenge zvataurwa padandemutande zvemanyepo kana zvakaipa ndezvipi.

Vanotiwo pane mitemo yakadai seAccess to Information and Public Protection Act, Official Secrets Act nePublic Order and Security Act inogona kushandiswa pakudzivirira kutaurwa kwemanyepo.

Mumwezve mutapi wenhau anoshandawo akazvimirira ega, Nkululeko Sibanda, vanoti kuve nemutemo unoita kuti hurumende ikwanise kuvhiringidza mashandiro edandemutande hakuna zvakunonyanyobatsira.

Pamusangano wavakaita nemutungamiri wekuSouth Africa, VaJacob Zuma vekuSouth Africa neChipiri kuSouth Africa kwakare, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakakurudzira South Africa kuti isunge vose vanoshandisa madendemutande eFacebook neWhatsapp zvisizvo.

Sangano reCollaboration on International ICT Policy for East and South Africa rinoti kuvharwa kwemadandemutande kwakaita kuti nyika dzekuchamhembe kweAfrica dzirasikirwe nemari inodarika mamiriyoni mazana maviri emadhora.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG