VaKenneth Tachiona avo vakapfurwa muna Chikumi nechizvarwa chekuChina zvichitevera kusawirirana panyaya yemari yemuhoro vanoti vanonetseka kuwana zvifambiso pavanouya kuti vawonekwe nachiremba muguta reGweru. VaTachiona vave kugara kumusha kwavo kumindamirefu yekuChishuku kwaChirumhanzu.
Apo vanhu vakawanda munyika vakatarisana nenzara vamwe vagari vekumaruwa ekwaMazvihwa mudunhu reMidlands, vari mumaguta nekuda kwekushandisa nzira yekurima inochengetedza mvura shoma yavanowana. Vhidhiyo ina Taurai Shava.
Chimwe chizvarwa chenyika yeChina chinove mukuru weimwe kambani inoita zvekuchera goridhe chakasungwa mushure mekunzi chakapfura vashandi vaviri pamahofisi ekambani iyi muGweru neSvondo mangwanani.
Vamwe vakoti vepachipatara cheUnited Bulawayo Hospitals varatidzira neChina mangwanani vachiti havazi kufara nemari shoma yavanowana zvisineyi kuti hurumende yakawedzera nezuro mihoro yavo nezvikamu makumi mashanu kubva muzana.
Purazi reLingfield riri makiromita makumi maviri kwakadziva kumabvazuva kweguta reGweru, uye papurazi apa panoitwa mabasa akawanda, kusanganisira kurima maruva nezvimwe zvirimwa zvakasiyana-siyana, pamwe nekupfuya mombe dzemukaka nedzenyama.
Victor Tinashe Mpofu, uyo anoziikanwa neremadunhurirwa rekuti “Doc Vikela”, anoita nyambo achitevedzera mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, mune imwe yemavhidhiyo ake anonzi “Mukuru” ayo ari kubudisa paYoutube.
Vanhu vatanga kudzingwa mudhorobha mangwanani kunyanya panguva dzekuma7 apo vanhu pavange vave kuwanda mudhorobha vachiuya kumabasa nekuzoita zvinhu zvakasiyana-siyana.
Vamwe vagari vemuGweru vanoti vave kutyira kupararira kwechirwere checoronavirus kana kuti Covid-19 zvichitevera kuchengetedzwa muguta iri kwezvimwe zvizvarwa zvemuno zvakabva kunze kwenyika.
Nyika dzepasi rose dziri kucherechedza zuva reWorld Press Freedom Day nhasi vamwe vanhu munyika vachiti hurumende haizi kuzadzikisa chivimbiso chayo chekusimudzira kodzero dzekufambiswa kwemashokopasina kumbunyikidzwa.
Kanzuru yeguta reGweru inoti haikwanisi kudzikisa mitero yayakakwidza nepamusana pekuti makanzura haakwanise kusangana pari zvino nekuda kwechirwere checoronavirus.
Kanzuru yeGweru Yoputsa Misika Yepa Kudzanai Bus Terminus Ichiti Yakanzi Iite Izvi neHurumende. Vhidhiyo ina Taurai Shava.
Kanzuru yeGweru Yoputsa Misika Yepa Kudzanai Bus Terminus Ichiti Yakanzi Iite Izvi neHurumende.Vhidhiyo ina Turai Shava.
Mumwe wevaitengesera paKudzanai Terminus muGweru amai Lucy Ngwenya vanoti havachina zano rekuti vorarama sei. Vhidhiyo ina Taurai Shava.
Vamwe vabereki vane vana vanofanirwa kunyora bvunzo dzakakosha gore rino vanoti vari kutyira kuti vana vavo vacharasikirwa nenguva yakakosha yekudzidza nekuda kwechirwere cheCoronavirus.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati hurumende yaive yatora danho rekuitira mhemberero idzi muguta reBulawayo senzira yekuedza kusimudzira kubatana kwevanhu munyika.
Vamwe vagari vemuGweru vanoti vakahadzika zvikuru uye vari kutsutsumwa nekukwidzwa kwakaitwa mitero nekanzuru yavo zvisinei kuti kanzuru yaive yati ichakwidza mitero iyi zvishoma nezvishoma.
Meya veguta reGweru, VaJosiah Makombe, vaudza Studio7 kuti kanzuru yavo, iyo iri kushanda nemapazi ehurumende, iri mushishi yekugadzirisa kuti mimwe misika ivhurwe muguta iri svondo rinouya.
Apo chirwere cheCoronavirus chiri kuramba chichiuraya vanhu pasi rose, pave nemashoko akasiyana siyana ari kutaurwa pamusoro pechirwere ichi pamadandemutande pamwe nemuzvitendero izvo zvinogona kukanganisa kurwisa chirwere ichi.
Rodhai zvimwe