Accessibility links

Breaking News

KeYona TV Yotanga Kushanda Asi Ichiramba Kuti Iri Kudyidzana neMauto


Mukuru we KeYona TV Doctor Qhubani Moyo kurudyi
Mukuru we KeYona TV Doctor Qhubani Moyo kurudyi

Imwe yenhepfenyuro nhanhatu dzinonzi dzakazvimirira dzega dzakapiwa marezinesi nehurumende yatanga kuenda pamhepo nhasi. KeYona TV iyo iri muBulawayo, ndiyo yega nhepfenyuro yakazvimirira iri kunze kweHarare.

Asi nhepfenyuro iyi iri kutanga paine mutauro wakanyanya sezvo zvichinzi ine mauto eZimbabwe National Army kana kuti ZNA mukati.

ZNA inonzi ine zvimwe zvikamu kana kuti mashares munhepfenyuro yeKeyona Television kuburikidza nekambani yeFairtalk Communications yatanga kutepfenyura nhasi kubvapamuzinda wayo uri muguta reBulawayo.

Asi mumwe mukuru wekambani iyi Doctor Qubani Myo vaudza Studio 7 kuti handi chokwadi kuti mukambani mavo mune mauto.

Fairtalk Communications iyi ndiyo ine nhepfenyuro yeSkyz Metro inotepfenyura muBulawayo, neBreeze FM yekuVictoria Falls. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika Amai Oppah Muchinguru Kashiri kuti tinzwe divi ravo.

KeYona yakapihwa rezinesi rekutepfenyura neBroadcasting Authority of Zimbabwe kana kuti BAZ muna Mbudzi 2020, Yaifanira kutanga kutepfenyura muna Chikumi 2021 asi ikati yainge yakanganiswa nekupararira kwechirwere cheCovid-19.

KeYona TV yakavambwa namushakabvu Conte Mhlanga naDoctori Moyo mugore ra2014. Doctor Moyo vaimbova komishina weZimbabwe Electoral Commission uye pakambobuda mashoko mubepanhau reStandard kuti vaida kumiririra Zanu-PF musarudzo dzeparamende kuInsiza. Ivo pavakabvunzwa havana kuda kuti ichokwadi here kana kuti manyepo.

Mukuru wenhepfenyuro iyi VaLeslie Phiri vaudza Studio 7 kuti vafara kuti vakwanisa kutanga kutepfenyura nhasi mushure mekuparurwa zviri pamutemo kwayo gore rapera.

VaPhiri vati KeYona ichange ichiwanikwa pamasai-sai eimwe kambani yakapiwa rezinesi nehurumende kuti itakure masai-sai inonzi Azam, uye ichange ichiwanikwawo pamasai-sai eDigital Terrestrial Television yekambani yehurumende yeTransmedia.

Vati decoder yekuwana masai-sai eKeYona TV rine mutengo wakaderera zvikuru unoita zviuru makumi matatu zvemadhora emuno kana kuti US38 kana kuchishandiswa huremu hunopiwa mari yemuno nebhanga guru reReserve Bank.

VaPhiri vati nzvimbo yeBulawayo inoziikanwa uri muzinda wezvemitambo vakavimbisa kuti veruzhinji vachafadzwa nezvirongwa zvavanenge vachipakura panhepfenyuro iyi vachitiwo vanenge vane zvimwe zvirongwa zvakasiyana-siyana zvinogutsa meso nenzeve. Vati vari mushishi kutaura nePremier Soccer League kuti vagokwanisa kuburitsa mitambo yebhora
remuno.

Rumbidzai Mhlanga mutori wenhau uye ndemumwe wevechidiki vari kushanda neKeYona TV. Ati anofara zvikuru nekuvepo kwenhepfenyuro iyi izvo zvamupa mukana wekushanda.

Mumashoko avakatura pakuparurwa kweKeYona TV gurukota rezvekufambiswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vakati chiitiko ichi chaitaridza kuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa inokoshesa kuvhurwa kwemasai-sai senzira yekuvandudza hutongi hwejekerere.

Mukuru weMedia Institute of Southern Africa VaTabani Moyo vati kuvepo kwenhepfenyuro dzemaradio neTV dzakawanda zvinhu zvakakosha asi vati hapafanirwe kushanda kuti munhu abuda mumba maani pakupiwa kwemarezinesi.

Dzimwe nhepfenyuro shanu dzakapiwa marezinesi kusanganisira Nkululeko Rusununguko TV iyo inotungamirwa nevakambove mukuru mukuru weZBC VaHappyson Muchechetere, dzinotarisirwa kutangawo kutepfenyura munguva pfupi inotevera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG