Vamwe vane hama dziri kurwara vari kuchema chema zvikuru nekusabatwa zvakanaka kwavanoti kuri kuitwa varwere pachipatara cheGweru General Hospital.
Muzuva rechipiri rekuti vanhu vagare mudzimba dzavo, mapurisa emuGweru ange achidzinga vanhu vose aange achiona sevasina zvikonzero zvekuve mudhorobha.
Vanhu vagara kumba sezvakakurudzirwa nehurumende uye zvitoro zvakawanda nemabhanga zvange zvakavharwa mumaguta eGweru neBulawayo.
Apo kuchengetedza hutsanana iri imwe yekurudziro huru yekurwisa hutachiwana hwecoronavirus kana kuti covid-19, vamwe vagari vemumaguta vari kutyira kuti kusawanikwa kwemvura yakachena
Mukuru wesangano reGlobal Fund, VaPeter Sands, vazivisa nezverubatsiro uhwu pamusangano wavaita nevatapi venhau vari pamwe chete negurukota rezvehutano, VaObadiah Moyo.
Vamwe vana mukoti varatidzira paMpilo Hopital nhasi mangwanani vachiti havasi kusafara nemashandiro avo.
Vamwe vakuru vakuru vemaindasitiri vanoti kuve nemitemo isina kujeka uye kuchinja chinja kwemitemo ndizvo zvimwe zvezvikonzero zvikuru zviri kuita kuti kumutsiridza maindasitiri kunetse munyika.
Bhendi rePolice Band richifadza vanhu pazuva reWorld Radio Day muGweru. Vhidhiyo: Taurai Shava.
Zimbabwe inocherechedza zuva reWorld Radio Day nyanzvi munyaya dzekutepfenyura dzichiti hurumende haisi kukoshesa kusununguka kwenhepfenyuro dzakazvimirira idzo dzinova shoma zvikuru zvichienzaniswa nezviri kuitika kune dzimwe nyika. Vhidhiyo:Taurai Shava
Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika pasi rose mukucherechedza zuva reWorld Radio Day pahurongwa hwaitirwa muguta reGweru, uko nyanzvi munyaya dzekutepfenyura dzaratidza kusafara nekunonoka kwehurumende kuvhura mukana wenhepefenyuro dzemunharaunda kana kuti community radio stations.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti nhaurirano pakati pavo nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ndidzo chete nzira yekubudisa nyika mumatambudziko airi.
Vamwe vemabhizimisi madiki nevamwe vanorarama nekutengesa mumigwagwa yeguta reBulawayo vanoti kushomeka kwemvura muguta iri kwave kuvhiringidza mabasa avo panguva iyo kanzuru iri kuti dambudziko rekushaikwa kwemvura riri kuramba richikura.
Mumwe mugari wemuGweru, Amai Noreen Sigauke vanoti vanotambira danho ratorwa nekanzuru yavo vachiti zvinorerutsira vagari sezvo vakaomerwa nehupenyu nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvehupfumi hwenyika.
Kunyange hazvo vanachiremba vadiki vakazivisa munguva pfupi yapfuura kuti vave kudzoka pabasa, zvinhu hazvisati zvave kunyatsofamba zvakanaka pachipatara cheMpilo muBulawayo chinove ndicho chipatara chikuru chechipiri munyika.
Mukuru wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vanoti kushaikwa kwehupfu nekutengeswa kwaho pamukoto mucherechedzo mukuru wekusamira zvakanaka kwehupfumi munyika.
Vamwe vana vepachikoro cheNjube High School muguta reBulawayo varatidzira nhasi vachiti havasi kufara nekukwidzwa kwemari yechikoro vachitiwo havasi kudzidza szevo vadzidzisi vakawanda vari kuramwa mabasa.
Vamwe vadzidzisi vekumaruwa vanoti nekuda kwemari shoma yavanotambira, hupenyu hwavari kurarama huri kudzikisira chimiro chavo sevadzidzisi munharaunda dzavanodzidzisa.
Mazuva mashoma adarika chimwe chikwata chevemabhemba ava chakarwisa vanhu vashanu muChegutu, madzimai maviri akafa, mamwe madzimai matatu akakuwara zvakaipisisa.
Rodhai zvimwe