Kunyangwe hazvokuchengetedza hutsanana iri imwe yekurudziro huru yekurwisa hutachiwana hwecoronavirus kana kuti covid-19, vamwe vagari vemumaguta vari kutyira kuti kusawanikwa kwemvura yakachena kuchaisa hupenyu hwavo munjodzi huru.
Murwiri wekodzero dzevanhu uye vari mugari wemuguta reGweru Muzvare Nozipho Rutsate vanoti kanzuru yavo haikwanisi kupa vagari mvura yakachena rinova dambudziko guru panguva ino.
Mumwe mugari wemuBulawayo Muzvare Nozipho Moyo vanoti dambudziko remuguta mavo riri kuwedzerwa nekuti madhamu haanawo mvura yakakwana vachiti hurumende inofanira kupindira vanhu vasati vapera rumwe rumwe.
VaPrecious Shumba vanoshanda nesangano reHarare Residents Trust vanoti muHarare sekune mamwe maguta nemadhorobha ari munyika, vagarai vakawanda vemuHarare havawani mvura yakachena yakakwana.
Vanotiwo veruzhinji havakwanise kutenga mishonga yekugeza maoko inonzi saniter muchirungu, nekudaro vanhu vakawanda vanogona kuve panjodzi yekubatwa nechirwere checoronavirus.
Meya weguta reGweru VaJosiah Makombe vanovawo mukuru wesangano reUrban Councils Association of Zimbabwe, UCAZ vanobvuma kuti makanzuru akawanda munyika ane dambudziko guru rekutadza kupa vagari mvura yakakwana uye vanoti izvi zvinogonawo kukanganisa pakudzivirira zvirwrere.
VaMakombe vanoti sezvo chirwere checoronavirus riri dambudziko repasi rose vanovimba kuti hurumende ichabatsira makanzura kunyanya panyaya yemvura.
Studio 7 yayedza kubata kugurukota rezvekutongwa kwematunhu VaJuly Moyo kuti tinzwe divi ravo asi nharembozha yavo yange isingadairwe.
Mutevedzeri waVaMoyo, Amai Marian Chombo vakataurira Studio 7 munguva pfupi yapfuura kuti hurumende iri kuedza kugadzirisa dambudziko rekushaikwa kwemvura mumaguta nemumadhorobha nekupa makanzuru mari pasi pehomwe yekuendesa masimba kumatunhu.
Vakambove mutevedzeri wegurukota rezvehutano vari nhengo yebato reZanu PF Doctor Edwin hapana tsvakiridzo yakakwana yekuti kushaikwa kwemvura yakakwana mumaguta nemadhorobha kungakanganisa zvakadii kurwisa chirwere checoronavirus.
Asi vanobvuma kuti mvura yakakosha zvikuru pakuchengetedza hutsanana izvo zvinobatsira kurwisa zvirwere.
Munyori wezvehutano mubato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa Dr Henry Madzorera vanoti dambudziko rekushaikwa kwemvura mumaguta nemadhorobha rinoziikanwa nezvaro zvikuru, asi makanzuru anofanirwa kuedza zvose zvaanogona kuwanisa vanhu mvura kunyanya panguva ino.
Vanotiwo hurumende inofanirwa kubatsira veruzhinji nekuvapa mishonga yekugezesa maoko pachena.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinokurudzira kuti vanhu vachengetedze hutsanana nekushandisa masanitiser, kugeza maoko nemvura nesipo nguva nenguva uye kusaungana makawanda panzvimbo imwe chete, senzira yekudzivirira kutapurirana hutachiwana hwecoronavirus.
Facebook Forum