Accessibility links

Breaking News

Vana VeChikoro Voratidzira kuBulawayo


chikoro cheNjube High
chikoro cheNjube High

Vamwe vana vepachikoro cheNjube High School muguta reBulawayo varatidzira nhasi vachiti havasi kufara nekukwidzwa kwemari yechikoro vachitiwo havasi kudzidza szevo vadzidzisi vakawanda vari kuramwa mabasa.

Vamwe vaona zvichiitika vati vana ava vafamba kubva pachikoro kusvika mumugwagwa weLuveve Road vachibva vazodzorerwa kuchikoro nemapurisa.

Pasvika Studio 7 pachikoro apa vadzidzi vose vange vaunganidzwa nemapurisa vachivabvunzurudza nezvikonzero zvekuratidzira.

Vana vanosvika zana avo vabvuma kuti vange vapinda mukuratidzira uku vazopinzwa mune imwe imba yekudzidzira umo vanzi vanyore zvichemo zvavo vakazonzi vanyorewo mazita avo pasi.

Mumwe mukuru wezvedzidzo kana kuti District Schools Inspector muBulawayo Amai Zanele Muyambo vaudza vana avo kuti havafanirwe kutyira kuti vachashungurudzwa.

Vati zvichemo zvavo zvinokwanisa kugadziriswa nekukasika zvichagadziriswa. “Kana paine zvichemo zvamunazvo, ngatiregei kutanga taita zvekupinda mumugwagwa nekuti zvinoshatisa chimiro chechikoro chenyu,vanodaro Amai Muyambo.

Vaenderera mberi vachiti, “Kutaura kwandiri kuita kudai ndinoziva kuti inzwi renyu ranzwikwa sezvamange muchida. Asi zvakadaro chimiro chenyuwo chakanganisika. Tine nzira dzedu dzekuti vanhu vataure nadzo, ngatidzishandisei kuti titaure zvinenge zvatinetsa.”

Pane mashoko ekuti mumwe mudzidzisi wepachikoro ichi ndiye akurudzira kuti vana ava varatidzire asi pataedza kunzwisisa nezvenyaya iyi zvizere mukuru wechikoro uyo angozviti anonzi Msimanga ati haabvumidzwe kutaura nevatapi venhau.

Mumwe mudzidzi atisingakwanise kudoma nezita kana kubudisa pamhepo senzira yekumuchengetedza audza Studio 7 kuti vadzidzisi varatidzira pachavo vega senzira yekusafara kwavo nekukwidzwa kwakaitwa mari yechikoro uyewo kuti vadzidzisi havazi kuita basa ravo nemazvo nekuda kwekuti havazi kuwana mari yemihoro yakakwana.

Mumwe mubereki ati anonzi Amai Mudzimba atsutsumwawo nekukwidzwa kwakaitwa mari yechikoro pachikoro apa kubva pamadhora makumi mapfumbamwe kusvika pamadhora mazana mana nemakumi mana.

Amai Mudzimba vati hurumende inofanirwa kugadzirisa zvichemo zvevadzidzisi kuitira kuti zvinhu zvifambe zvakanaka munyaya yedzidzo munyika.

Zvichakadaro, VaObert Masaraure mutungamiri weAmalagamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvikoro kunyanya zvekumamisha uko vanoti vadzidzisi vakawanda havana kudzokera kumabasa.

Hurumende yakazivisa munguva pfupi yapfuura kuti iri kuwedzera vashandi vayo mari yemuhoro nezvikamu makumi mapfumbamwe nezvinomwe kubva muzana asi sangano reARTUZ nemamwe anoti Zimta neProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, akati mari iyi ishoma zvikuru sezvo zvinhu zviri kudhura zvakanyanya munyika.

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakatiwo hurumende ine chido chekuda kuramba ichiita hurukuro nevashandi vayo vamwe vacho vave kuramwa mabasa vachiti havana zvikawinisiro.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvedzidzo VaCain Mathema sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG