Accessibility links

Breaking News

Kushaikwa kweMvura Kovhiringa Mabhizinesi Madiki muBulawayo


Prices

Vamwe vemabhizimisi madiki nevamwe vanorarama nekutengesa mumigwagwa yeguta reBulawayo vanoti kushomeka kwemvura muguta iri kwave kuvhiringidza mabasa avo panguva iyo kanzuru iri kuti dambudziko rekushaikwa kwemvura riri kuramba richikura.

Muzvare Farai Marima ndivo mukuru wepane imwe nzvimbo inotengesa mafuta emotokari iri pedyo neEntumbane Shopping Complex mumusha weEntumbane.

Kunze kwekutengesa mafuta emotokari, Muzvare Marima vane chitoro chidiki chiri panzvimbo imwe chete chinotengesa zvinhu zvakasiyana-siyana kusanganisira chingwa nezvimwe zvinoshandiswa nevanhu mukurarama kwavo zuva nezuva.

Muzvare Marima vanoti nekuda kwedambudziko rekushomeka kwemvura vanomanikidzwa kuvhara zvimbuzi zviri paService Station yavo.

Mumwe muzvinabhizinesi, VaNhlanhla Mpofu, vanoti vanorenda mabhawa maviri kubva kukanzuru.

Rimwe remabhawa aya riri mumusha weMzilikazi uye vanhu vakawanda vanofarira kuuya pabhawa iri vachimwa doro ravanofarira rinonzi Ingwebu.

VaMpofu vanoti nzvimbo yakadai inotoda kuti ive nemvura yakawanda kuti ishande zvakanaka uye vanoti kushomeka kwemvura muguta idambudziko guru kwavari.

Kanzuru yakatanga kuvharira vagari mvura kwemazuva mana pasvondo muna Mbudzi nekuda kwekuti mvura iri mumadhamu anopa mvura kuguta yave kuramba ichishomeka.

Mumwe mudzimai, Amai Patricia Nyathi, vanotengesa sadza pedyo nerimwe bhawa riri mumusha weBarbourfields.

Amai Nyathi vanotiwo mvura inowanzowanikwa pakati pevhiki asi inouya husiku pavanenge vavhara panzvimbo yavanotengesera.

Vanotiwo dambudziko rekushaikwa kwemvura riri kukanganisa bhizimisi ravo.

Imwe nhengo yesangano reBulawayo Vendors and Traders Association, Amai Debra Mukasa, vanoti nhengo dzavo dzinotengesa zvinhu zvakasiyana siyana kusanganisira zvekudya uye kushaikwa kwemvura kunogona kukonzera dambudziko rekupararira kwezvirwere.

Mumazuva mashoma apfuura kanzuru yakazivisa kuti dambudziko remvura rinogona kuwedzera nekuti mvura iri kuramba ichiderera mumadhamu matanhatu anowanisa guta mvura.

Rimwe remadhamu aya rakatomira kushandiswa gore rapera uye kanzuru inoti rimwezve ringangomira kushandiswa munguva pfupi inotevera kana mvura ikaramba isinganayi zvakanaka.

Amai Mukasa vanoti kanzuru haingashorwe nekuda kwedambudziko rekushaikwa kwemvura asi vanoti hurumende, ichishanda pamwe nemakanzuru ose munyika, inofanirwa kuwana nzira yekugadzirisa dambudziko rekushomeka kwemvura mumaguta.

Kutora mvura kubva murwizi Zambezi izano rave nemakore anopfuura zana richitaurwa nezvaro richinzi ringabatsira kupedza dambudziko rekushaikwa kwemvura yakakwana muguta reBulawayo asi pane zvimhingamupinyi zvakawanda zviri kuita kuti izvi zvisabudirira.

Meya weguta reBulawayo, VaSolomon Mguni, vanoti kanzuru yavo yakatarisana nedambudziko rekuwanira vagari mvura yakachena nguva dzose sezvo madhamu mazhinji anopa guta ravo mvura adzikira zvakanyanya zvekuti mvura haipombeke kubva mumadhamu aya.

Kuvakwa kwedhamu reGwayi-Shangani nderimwe zano rinonzi richabatsira kupedza dambudziko iri asi kupera kuvakwa kwedhamu iri kuri kutora nguva yakareba zvikuru.

Kunze kwedambudziko rekushaikwa kwemvura vemabhizimisi madiki nevanotengesa mumigwagwa vari kuchema-chemawo nedambudziko rekushomeka kwemagetsi.

Amai Mukasa vanoti kunze kwekushomeka kwavo magetsi ave kudhurirawo veruzhinji.

Kunyange hazvo vakati havakwanisi kunyatsodoma kuti vari kurasikirwa nemari yakawanda zvakadii nekuda kwematambudziko maviri ekushaikwa kwemvura nemagetsi, muzvinabhizimisi VaMpofu vanotsinhirawo kuti matambudziko maviri aya ari kuvakanganisa zvikuru.

Muzvare Marima vanotsinhirawo kuti nyaya yekushomeka kwemagetsi inokanganisawo bhizimisi ravo sezvo vachidhurirwawo nekushandisa gwenya remagetsi.

Studio7 haina kukwanisa kubata mutauriri weZimbabwe Electricity Supply Authority, VaFullard Gwasira, kuti tinzwe pamire kambani yavo panyaya yekushaikwa kwemagetsi nguva dzose.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti mabhizmisi madiki anobatsira kusimudzira hupfumi hwenyika. Asi nekuda kwematambudziko akasiyana-siyana munyaya dzezvehupfumi, kusanganisira kushaikwa kwemvura pamwe nemagetsi akakwana, mabhizimisi madiki akawanda ave kutatarika zvekuti akawanda acho anogona kupedzisira asisashande.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG