Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeGuta reGweru Inorerutsra Vagari Kuburikidza neKuderedza Mari dzeMitero yeGore Rino


Kanzuru yeguta reGweru inonzi yakaderedza mitero kuitira kuti vagari varerukirwe.
Kanzuru yeguta reGweru inonzi yakaderedza mitero kuitira kuti vagari varerukirwe.

Kanzuru yeguta reGweru yatora danho rekuderedza mitero yayaive yakwidza mubhajeti yayo yegore rino zvichitevera kuchema-chema kwevagari kuti mitero iyi yaive yanyanya kukwira.

Vachitaura neStudio 7, meya weguta reGweru, VaJosiah Makombe, vanoti kanzuru yakatora danho rekuti vagari vabhadhare zvikamu makumi mana kubva muzana zvemitero mushure mekunge vagari vachema-chema kuti mitero yavaive vatara yainge yakanyanya kukwira.

VaMakombe, avo vanovewo mukuru wesangano reUrban Councils Association of Zimbabwe, UCAZ, vanoti vanotarisira kuti mamwewo makanzuru achatorawo danho rekuderedza mitero, vachiti havaone chiri chinhu chine musoro kuti vatare mitero isingakwanise kubharwa nevanhu.

Vanoti makanzuru munyika ari kubatsirwa nehurumende nemari yekuita zvirongwa zvakasiyana-siyana pasi pechirongwa chekuendesa masimba kumatunhu kana kuti devolution muChirungu, asi vakachema-chema nerekuti mari iyi inouya iri muzvidimbu-zvidimbu.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kugurukota rezvekutongwa kwematunhu VaJuly Moyo sezvo nharembozha yavo yange isingadavirwe.

Mumwe mugari wemuGweru, Amai Noreen Sigauke vanoti vanotambira danho ratorwa nekanzuru yavo vachiti zvinorerutsira vagari sezvo vakaomerwa nehupenyu nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvehupfumi hwenyika.

Mukuru wesangano revagari, reGweru Residents and Ratepayers Association, VaCornelia Selipiwe, vanoti sangano ravo rinotambira nemufaro danho ratorwa nekanzuru vachitiwo zvinoratidza kuti kanzuru inoteerera vagari.

Asi VaCharles Mazorodze, avo vanomirira rimwe sangano revagari, reGweru Residents Forum, vaudza Studio 7 kuti kwavari danho rekanzuru rinoratidza kuti pakaitwa bhajeti pange pasina kuwirirana pakati pemakanzura nevashandi vekanzuru.

Vanotiwo hazvina kunyatsojeka kuti chimwe chidimbu chemutero wakadzikiswa chichazobhadharwa nevagari here kana kuti kwete.

Nekuda kwekuti mari yemunyika iri kuramba ichishaya simba, makanzuru akasiyana-siyana munyika ari kusangana nedambudziko rekuita bhajeti inokwidza mitero zvakanyanya izvo zviri kuita kuti vagari varemerwe nekubhadhara mitero iyi.

Nyaya ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG