Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Zvinonzi Hazvisati Zvagadzikana paChipatara cheMpilo Kunyange Vanachiremba Vakadzoka paBasa


Chipatara cheMpilo Hospital kudivi rinotariswa varwere vanobva kubva.
Chipatara cheMpilo Hospital kudivi rinotariswa varwere vanobva kubva.

Kunyange hazvo vanachiremba vadiki vakazivisa munguva pfupi yapfuura kuti vave kudzoka pabasa, zvinhu hazvisati zvave kunyatsofamba zvakanaka pachipatara cheMpilo muBulawayo chinove ndicho chipatara chikuru chechipiri munyika.

Pasvika Studio 7 pachipatara ichi pakati penguva dza12 na 3 masikati, pange pane madhokotera anoverengeka navanamukoti vakawanda vange vachiwona varwere kuzvikamu zvinorapa varwere vachibva kumba kana kuti Casualty neOutpatients. Vamwe vanamukoti vange vachionawo varwere mumawadhi akasiyana-siyana.

Mumwe murume asina kuda kudomwa nezita audza Studio 7 kuti ave nemazuva maviri achiuya kuzoona hama yake iri kurwara pachipatara apa uye ati haazi kugutsikana kuti vanachiremba vadzoka pabasa nemwoyo yavo yose here achiti hama yake iyi haisati yanyatsotaurirwa navanachiremba ava kuti iri kunzweyi.

Mumwewo murume angozvidoma nezita rekuti Nyoni atiwo ane hama yake iri muchipatara mekare. VaNyoni vati hama yavo iyi iri kuwonekwa navanachiremba asi vati dambudziko nderekuti vari kunzi vanotenga mishonga sezvo mishonga iyi isiri kuwanikwa pachipatara ichi.

Dr Mthabisi Bhebe, munyori weMpilo Doctors Association variwo nhengo yeZimbabwe Hospital Doctors Association, vaudza Studio 7 parunhare kuti vana chiremba vadiki vave nenguva inosvika mwedzi vadzokera kubasa.

Asi vatiwo sekuziva kwavo zvinhu hazvisati zvanyatsomira zvakanaka muzvipatara zvikuru munyika vachitiwo pane vanachiremba vadiki vanosvika makumi mashanu nevatatu vakasiya mabasa munyika yose uye kune vamwewo vakawanda vari kuda kusiya vachienda kumafuro manyoro.

Mukuru wechipatara cheMpilo, VaLeonard Mabande, vaudza Studio 7 kuti havasati vave kukwanisa kutaura kuti zvinhu zvakamira sei uye kuti ndivanachiremba vangani vadzoka pabasa kusvika pari zvino sezvo vachiri kuita ongororo.

VaMabande vati vanofara kuti munguva pfupi yapfuura chipatara chavo chakakwanisa kuwana magwenya emagetsi anoita kuti michina inobatsira kurapa vane chirwere chigomarara ishande isingakanganiswe nekuenda kwemagetsi.

Vati vanotarisira kuti izvi zvichabatsira varwere zvikuru.

Chipatara cheMpilo chaive chine vanachiremba vadiki mazana maviri nevana uye panguva yekuramwa kwavo mabasa, vana chiremba makumi mashanu nemumwe ndivo vakadzingwa basa.

Vanoziva zviri kuitika vanoti zvinhu hazvisati zvave kunyatsofamba zvakanaka nekuti vaive vadzingwa ava vanofanirwa kutanga vanyatsodzorwa pabasa zviri pamutemo uye izvi zvinogona kutora nguva.

Nyaya ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG