Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Odzosera Kumba Vavanofunga Kuti Vari Kungombeya Mbeya muGweru


Vanhu vagara kumba sezvakakurudzirwa nehurumende uye zvitoro
zvakawanda nemabhanga zvange zvakavharwa mumaguta eGweru neBulawayo.
Vamwe vashandi vati vanotyira kuti vanogona kupererwa nemabasa ukuwo
vanozvishandira pachavo vega vati vanotyira kuti vachafa nenzara

Mapurisa ange akaisa maroadblock mumigwagwa yose inopinda muguta
reGweru vachibvunzurudza vanhu vange vari mumotokari diki kwavange
vachienda uye avo vange vachiwanikwa vasina zvikonzero zvinogutsa
zvekupinda mudhorobha vange vachidzorerwa kumba.

Vamwe vanhu vanoshandira makambani akasiyana-siyana vange vachida
kuenda kumabasa sezvo vange vachiti havana kunyatsojekeserwa kuti
vanofanirwa kuuya kubasa here kana kuti kwete, vachityira kuti
vakasaenda vanozodzingwa mabasa. Asi vakawanda vavo vatadza kuenda
kumabasa uku sezvo kwange kusina zvekufambisa kunze kwemabhazi
nemakombi mashoma eZupco.

Panzvimbo dzakadai seKudzanai Bus Terminus panokwirirwa mabhazi
anoenda kunzvimbo dzakasiyana-siyana paneovewo ndipo pane musika
mukuru muGweru pange pasina vanhu zvachose kunze kwevashandi veGweru
City Council vange vachitsvaira panzvimbo iyi.

Mumwe mudzimai anorarama nekutengesa pane imwe flea market iri pedyo
neKudzanai Bus Terminus uyo angozvidoma nezita rekuti Amai Remember
audza Studio 7 kuti ari kushaya zano rekuti achararama sei pamazuva
makumi nemaviri ari kunzi vanhu vagare kumba.

Mumwewo murume anorarama nekutengesa angozvidoma nezita rekuti Shumba
atsinhirawo kuti vanhu vakaita saiya vachaona nhamo.
Asi VaIrvine Moyo avo vanoitawo zvekutengesa muriwo nemadomasi vati
vanhu vanofanirwa kukoshesa zvakataurwa nehurumende vachiti kusaita
izvi kunogona kuti vakawanda varasikirwe nehupenyu.

Kunyange hazvo mabhanga akanzi ndemamwe emabhzimisi mashoma anokwanisa
kuvhura mabhangi ose emuGweru ange akavhara. Mumwe murume asina kuda
kudomwa nezita uyo ati ange achida kubhadhara mari yevashandi
vekukambani kwake ati kuvharwa kwemabhangi kuchavhiringa hupenyu
hweveruzhinji.

Muguta reBulawayo veruzhinji vagarawo kumba. VaMoses Kumbweya avo
vanotengesa muriwo nezvimwe zvakadaro kuzvitoro zvikuru vati
vemabhizimisi madiki saivo vachasara vari panzara.

Munyori weBulawayo United Residents Association, BURA, Amai Louisa
Mangisi vatiwo zvakakosha kuti vanhu vatevedzere zviri kutaurwa
nehurumende asi vati vamwe vemabhzimisi vave kutora mukana wekudhurisa
zvinhu zvakawanda vakati hurumende inofanirwa kupindira.

Hurumende yakatara chiga chekuti vanhu vanofanirwa kugara kudzimba
dzavo vasingafambe fambe zvisina kodzera senzira yekuedza kudzivirira
kutapuriranwa kwehutachiwana hwecoronavirus.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG