Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Orambidza Vanhu Kupinda Mumaguta


Covid Harare2

Muzuva rechipiri rekuti vanhu vagare mudzimba dzavo, mapurisa emuGweru
ange achidzinga vanhu vose aange achiona sevasina zvikonzero zvekuve
mudhorobha.

Izvi zvinonzi zvange zvichiitikawo kune dzimwe nzvimbo kusanganisira
kuKwekwe, Masvingo, neMutare izvo zvave kusimudza mutauro.

Mapurisa ange akaisa ma roadblock pamigwagwa yose inopinda nekubuda mudhorbha reGweru achirambidza vanhu vakawanda kupinda mudhorobha.

Vamwe vevanhu vashoma vange vapinda mudhorobha vange vachidzorerwa
kumba kana vaonekwa sevasina zvikonzero zakati tsvikiti zvekuve
mudhorobha.

Studio 7 yaona vamwe vevanhu vange vachitandaniswa kubva
mudhorobha pakati penguva dza9 na10 mangwanani.

Mumwe murume anoita basa rekuchengetedza nzvimbo uyo asina kuda
kudomwa nezita ati maonero ake ndeekuti zviri kuitwa nemapurisa
zvakanaka.

Asi mumwe mugari wemuGweru, Amai Loreen Mangoma, vati vanhu vakawanda vari kupinda mudhorobha vachitsvaga chikafu sezvo zvitoro zvekwavanogara zvave kutengesa zvinhu nemari iri pamusoro-soro.

Mumwe mugari wemuKwekwe, Muzvare Parti Ngozo, avo vati vawona vamwe vanhu vachishungurudzwa nemapurisa mudhorobha iri, vati zvave kuitwa nemapurisa kutyora kodzero dzevanhu.

KuMasvingo mapurisa eSupport Unit anonzi arova vanhu munzvimbo
dzakasiyana-siyana kusanganisira mamwe madzimai ange achitsvaga mvura
pazvibhorani.

Mumwe mugari wemuMasvingo, Muzvare Belinda Mwale, vashora
maitiro akadai.

Hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Asi rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaKudzai Kadzere, vati mapurisa ane kodzero yekuita zvavari kuita sezvo chiga chekuti vanhu vagare kudzimba dzavo kwemazuva makumi maviri nerimwe chakaitirwa kuedza kuchengetedza hupenyu hweveruzhinji.

Kusasangana vanhu vakawanda ndechimwe chinhu chikuru chiri
kukurudzirwa nenyanzvi dzezvehutano senzira yekuedza kurwisa
kutapuriranwa kwechirwere cheCoronavirus uye nyika dzakawanda pasi
rose, kusanganisira Zimbabwe, dzakatora matanho ekuti vanhu vagare
kudzimba senzira yekumisa kupararira kwechirwere ichi, icho chiri kuita chamurambamhuru chichiuraya vanhu pasi rose.

Kusvika pari zvino chirwere ichi chauraya vanhu vanodarika zviuru makumi matatu nezvisere pasi rose, kusanganisira Zororo Makamba, uye akashaya svondo rapera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG