Vamwe vane hama dziri kurwara vari kuchema chema zvikuru nekusabatwa zvakanaka kwavanoti kuri kuitwa varwere pachipatara cheGweru General Hospital.
Vanhu vataura neStudio 7 vatsutsumwa zvikuru nekwavati kusabatwa zvakanaka kwevarwere kwavanoti kuri kuitwa pachipatara ichi panguva ino yelockdown.
Mumwe mukadzi asina kuda kudomwa nezita rake ati kunyange hake hama yake inorwara yaange auya nayo yatambirwa, aona vanhu kusanganisira madzimai ane nhumbu vange vachidzorerwa kumba.
Sachigaro wesangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe mudunhu reMidlands, Amai Alice Maqatha, vaudza Studio7 kuti vanzwawo kubva kune vamwe vanhu nezvenyaya iyi.
Studio7 payasvika pachipatara apa panguva dzemasikati, yaona vanhu vange vachidzorerwa kumba vachiudzwa kunzi chipatara ichi chiri kungotambira vanhu vari kurwara zvakaipisisa.
Mumwe wevanhu ava, ndemumwe murume angozvidoma nezita rekuti Sithole uyo ange achikamhina uye achiratidza kurwadziwa mushure mekukuvara adonha kubva mungoro.
Taedza kunzwa kubva kumukuru wechipatara ichi, Dr Fabian Mashingaidze, asi vati titaure nemukuru anoona nezvekudyidzana kwechipatara neveruzhinji, Amai Violet Hlupeki, avo vati hapana zvavange vachikwanisa kutaura pamusoro penyaya iyi sezvo vange vasati vanzwa nezvayo.
Studio7 hainawo kukwanisa kunzwa kugurukota rezvehutano, Dr Obadiah Moyo, kuti tinzwe pamire hurumende pane zviri kuitwa nechipatara ichi.
Asi vakambove gurukota rezvehutano panguva yehurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vati kunyange hazvo zvakakosha kurwisa chirwere cheCoronavirus, zvakakoshawo kuti vashandi mune zvehutano vayeuke kuti kune zvimwewo zvirwere zvakawanda zvinogona kuvhiringidza hupenyu hwevanhu.
Senzira yekuedza kurwisa kutapuriranwa kwechirwere cheCoronavirus hurumende yakatora matanho akawanda kusanganisira kuisa mutemo wekuti vanhu vanorwara vari muzvipatara vanofanirwa kungoshanyirwa nemunhu mumwe chete chete panguva yekushanyirwa.
Nyika iri pakati pekutevedzera chiga chakatarwa nehurumende chekuti vanhu vagare mudzimba vasingafambe-fambe zvisina zvikonzero zvakati tsvikiti senzira yekuedza kurwisa kupararira kwechirwere
cheCoronavirus.
Pari zvino munyika mave nevanhu vapfumbamwe vabatwa nechirwere ichi kusanganisira Zororo Makamba uyo akashaya mwedzi wapera.
Facebook Forum