Accessibility links

Breaking News

Hupfu Hwonetsa Kuwana Munyika


 BYO BREAD SHORTAGE 1
BYO BREAD SHORTAGE 1

Mukuru wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailers VaDenford Mutashu, vanoti kushaikwa kwehupfu nekutengeswa kwaho pamukoto mucherechedzo mukuru wekusamira zvakanaka kwehupfumi munyika.

Vachitaura neStudio7 mushure memusangano waitwa nesangano reGrain Millers Association of Zimbabwe nevatapi venhau muBulawayo, VaMutashu vati kuvepo kwevanhu vakawanda vanoita zvemabhizimisi vakazvimirira vega vakawanda vacho vachiita izvi zvisiri pamutemo - kana kuti informal sector, kuri kuita kuti vemabhizimisi ezvitoro zvikuru vatatarike.

Vati hurumende inofanirwa kugadzirisa mamiriro ehupfumi nekukasika vachiti kana izvi zvikasaitika vamwe vezvitoro zvikuru ava vachatadza kuramba vachishanda.

VaMutashu varamba nyaya yekuti vezvitoro zvikuru ndivo vari kukonzera kushaikwa kwehupfu vachinzi vanohutengesa pamukoto vachiti kushikwa kwehupfu kuripo kuri kukonzerwa nekuti hupfu hwacho hausi kuwanikwa.

VaMutashu vati nekuda kwekuti mafuta emotokari ari kugara achikwira nguva dzose, izvi zvinorevawo kuti mutengo wehupfu unofanirwa kugara uchiwedzerwawo zvakaringana.

Mukuru weGrain Millers Association of Zimbabwe, GMAZ, VaTafadzwa Musarara, vati sangano ravo rakapiwa mvumo nehurumende pakupera kwaMbudzi kuti ritenge chibage kubva kunze kwenyika vakati izvi zvichabatsira kuderedza kushomeka kwehupfu mukati memasvondo mashoma ari kutevera.

VaMusarara vabvuma kuti vamwe vanogaya hupfu nevamwewo vanotengesa vari kukonzera kushaikwa kwehupfu nekuti vanohutengesa pamukoto asi vati kuti dambudziko iri ripere, munyika munofanirwa kuve nehupfu hwakawanda.

Munyori mukuru wesangano reBulawayo United Residents Association, Amai Louisa Mangisi, avo vange vari pamusangano uyu, vati vanotarisira kuti danho riri kutorwa nesangano reGMAZ richabatsira kupedza dambudziko rekushaikwa kwehupfu.

Apo VaMutashu vanga vachitaura nevatori venhau, vanhu vakawanda vanga vakamira pamutsetse wekutenga hupfu muBulawayo.

Mutengo wehupfu wakambokwira zvikuru mushure mekunge hurumende yabvisa mari yainosa pamutengo wehupfu kuitira kuti husanyanya kukwira, asi yakazodzorerazve mari iyi pakutanga kwaMbudzi.

Nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura munyika, nyika yakatarisana nedambudziko rekushaikwa kwechikafu kunyanya chibage icho chinogadzirisa hupfu chinove chikafu chinonyanya kudyiwa neveruzhinji munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG