Accessibility links

Breaking News

VanaMukoti Voramwa Mabasa kuChipatara cheMpilo


Mpilo-Central-Hospital
Mpilo-Central-Hospital

Vamwe vana mukoti varatidzira paMpilo Hopital nhasi mangwanani vachiti havasi kusafara nemashandiro avo.

Vana mukoti vange vachisvika zana vaungana kwenguva inoda kusvika awa imwe chete pamusiwo mukuru wechipatara ichi vachiimba vamwe vavo vakabata zvinyorwa zvakasiyana-siyana zvichiratidza kusafara kwavo.

Mukuru weZimbabwe Nurses Association mudunhu reBulawayo VaDonald Chidowore vati vari kutsutsumwa nedanho rekuti vave kunzi vashande kwemazuva mashanu pavhiki pane kuti vashande mazuva maviri sezvavari kuita pari zvino.

Vati havawone chikonzero chekuti vashande kwenguva yakareba seizvi sezvo mari yavari kutambira isiri kuvakwanira uye vasina zvikwanisiro zvekushanda.

Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Nurses Association VaEventhough Siziba avo vange varipowo pakuratidzira uku vati zvimwe zvinyunyuto zvavana mukoti zvinosanganisira kuti havakwanise kubatsira varwere zvakakwana sezvavanotarisirwa nekuti zvipatara zvakawanda munyika hazvina mishonga.

Vatiwo hutano hwaana mukoti huri panjodzi sezvo vasingapiwe mishonga kana zvipfeko zvinovadzivrira kuzvirwere kunyanya panguva ino hutachiwana hwecoronavirus huri kupararira pasi rose.

Vamwe vevana mukoti vange vari pabasa vazozodzokera pabasa papera kuratidzira uku. Vanoziva nezviri kuitika vaudza Studio 7 kuti vanamukoti vanzi vamboenderera mberi vachishanda mazuva maviri pasvondo kusvika nyaya iyi yagadziriswa nevakuru vakuru.

Taedza kunzwa kubva kumukuru wemabasa ekurapwa paMpilo Dr Solwayo Ngwenya asi vati hapana zvavange vachikwanisa kutaura panyaya iyi nekuti vari pazororo pari zvino.

Mukuru wechipatara VaLeonard Mabande vaudzawo Studio parunhare kuti vari kuHarare uko vari kumusangano webazi rezvehutano.

Mutevedzeri wegurukota rezvehutano Dr John Mangwiro vaudza Studio 7 parunhare kuti vanganyatsoziva nezvekuti vana mukoti vanofanirwa kushanda mazuva managani munyori webazi iri Dr Agnes Mahomva asi tatadza kuvabata sezvo nherembozha yavo yange isingabatike.

Vana mukoti pamwe navana chiremba munyika vave nenguva yakareba vachinyunyuta pamusoro pemashandiro avo uye kuti mari yemihoro yavanowana haivakwanire.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG