Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reWorld Radio Day


World Radio Day
World Radio Day

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika pasi rose mukucherechedza zuva reWorld Radio Day pahurongwa hwaitirwa muguta reGweru, uko nyanzvi munyaya dzekutepfenyura dzaratidza kusafara nekunonoka kwehurumende kuvhura mukana wenhepefenyuro dzemunharaunda kana kuti community radio stations.

Zuva iri racherechedzwa zvine mutsindo muguta reGweru uko kwaungana masangano ane chekuita nekutepfenyurwa kwemashoko, vamiri vehurumende pamwe nevatepfenyuri venhau.

Mutungamiri weZimbabwe Association of Community Radios, Amai Vivienne Marara-Zhangazha, vaudza Studio7 parunhare kuti kunyange hazvo hurumende ine matanho airi kutora pakupa marezinesi enhepfenyuro dzematunhu, havazi kufara nemitemo inobata vanofanirwa kutungamira nhepfenyuro dzakadai, pamwe nemari inodiwa kuti nhepfenyuro idzi dzipihwe marezinesi aya.

Vamwe vataura pamusangano uyu varatidzawo kusafara nekudhonza makumbo kurta kuitwa nehurumende panyaya yekuvhura masai sai kuitira kuti nhepfenyuro dzakazvimirira dzikwanise kuwana marezenisi ekutepfenyura dzakasununguka.

Asi munyori mubazi rezvekufambiswa kwemashoko, VaNick Mangwana, varamba kuti hurumende iri kudhonza tsoka pakupa mukana kune vamwe vanoda kuita zvekutepfenyura vakati bazi ravo range riri mushishi kugadzirisa mitemo ine chekuita nekutepfenyura kuitira kuti iwirirane nebumbiro remitemo yenyika.

VaMangwana vapokanawo nemaonero ekuti mari dzinodiwa pamarezinesi dzakawandisa.

Gurukota rezvekufambiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, avo vange vari munyarikani pachiitiko ichi, vati hurumende inoziva kukosha kwakaita nhepfenyuro pakubatsira kuunza budiriro pamwe nekubatana munyika.

Vatiwo bazi ravo riri kukoshesa kuveko kwedzimwe nhepfenyuro kunyanya dzemumatunhu.

Mumwe mudzidzisi paMidlands State University, VaPeter Mugari, vatsinhirawo kukosha kwakaita dzinhepfenyuro vachiti zvinotepfenyurwa zvinokwanisa kusvika kune vanhu vakawanda kupfuura dzimwe nzira dzose dzenhau.

VaMugari vati vanotambira nemufaro mashoko aAmai Mutsvangwa ekuti bazi ravo richapa marezinesi enhepfenyuro kuzvikoro zvinodzidzisa zvidzidzo zvepamusoro vachiti izvi zvichabatsira zvikuru kuti vadzidzi vave neruzivo rwakakwana munyaya dzekutepfenyura.

Zuva reWorld Radio Day rinocherechedzwa pasi rose musi wa13 Kukadzi gore rega rega pasi pesangano reUnited Nations Education Scientific and Cultural Organisation, UNESCO.

Dingindira regore rino rinoti Radio, Diversity and Development.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG