Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Votyiswa neKuwanda kweNyaya dzeKushandiswa kweMabhemba neMashurugwi


Veruzhinji vanoti vari kushamisika kuti sei zviri kutorera mapurisa nguva yakareba kuparadza "mashurugwi", izvo zvinonzi zviri kuzoita kuti vafunge kuti pane vari kuvachengetedza.
Veruzhinji vanoti vari kushamisika kuti sei zviri kutorera mapurisa nguva yakareba kuparadza "mashurugwi", izvo zvinonzi zviri kuzoita kuti vafunge kuti pane vari kuvachengetedza.

Vamwe vanhu vanoti kuwanda kuri kuramba kuchiita nyaya dzevanhu vanonzi vari kubira vanhu, kuponda pamwe nekuita zvemhirizhonga vachishandisa mabhemba, avo vave kuzivikanwa nerekuti “mashurugwi”, kunogona kuita kuti munyika mupedzisire musingachatevedzerwi mutemo zvachose.

Vamwe vataura neStudio 7 vati vave kutyira hupenyu hwavo nekuda kwekuwanda kwenyaya dzevanhu vari kuba kana kuponda vanhu vachishandisa mabhemba ayo anozivikanwa muChirungu kunzi “machetes”.

Zvikwata izvi zvakatanga zvichinyanyowanikwa munzvimbo dzinowanikwa zvicherwa, asi pari zvino zvapararira nenyika yose.

Mazuva mashoma adarika chimwe chikwata chevemabhemba ava chakarwisa vanhu vashanu muChegutu, madzimai maviri akafa, mamwe madzimai matatu akakuwara zvakaipisisa.

Musvondo rapera irori zvakare chimwe chikwata chevanhu vanodarika makumi mashanu chinonzi chakanorwisa Kamba yemapurisa kwaNembudziya kuGokwe chichida kununura mumwe wacho akanga asungwa nemapurisa.

Mukurwisana nemapurisa uku, vaviri vevanhu ava vanonzi vakapfurwa nemapurisa vakakuwara, vamwe makumi mana vakasungwa.

Chimwe chikwata zvakare chemashurugwi chinonzi chakanorwisana nevanochengetedza mugodhi weGoodhope kuKadoma, mumwe wavo akapfurwa akafa.

Ongororo yakaitwa nemapurisa inonzi inoratidza kuti akapfurwa akafa uyu yaive nhengo yechiuto, uye nhumbi dzechiuto dzakawanikwawo mumotokari yavaishandisa. Izvi zvakaitika mazuva mashoma shoma chimwe chikwata chevemabhemba ava chauraya mupurisa kuKadoma kwakare.

Kunyange hazvo pave nenguva nyaya dzakadai dzichiitika, mumazuva mashoma apfuura veruzhinji muguta reGweru vakashamisika zvikuru mushure mekunge chikwata chevanhu vaive nemapanga akadaro chakasvika pachechi yeZAOGA mumusha weMkoba 16 ndokutorera vanhu vaive muchechi umu mafoni nemari.

Studio 7 yaedza kutaura nemurume anochengetedza pachechi iyi kuti tinzwe zvizere asi aramba kutaura nesu achiti haabvumidzwi kutaura nevatori venhau.

Asi mumwe mudzimai anogara pedyo nechechi iyi, uyo angozvidoma nezita rekuti Amai Moyo, ati nyaya iyi yakavhundutsa vanhu vakawanda zvikuru.

Mumwe mugari wemuGweru, Muzvare Nozipho Rutsate vati maonero avo ndeekuti kuregererwa kwezvikwata zvave nenguva zvichirwisana nenyaya dzegoridhe munzvimbo dzakasiyanasiyana mudunhu reMidlands nekune dzimwewo nzvimbo munyika ndiko kwave kuita kuti dzimwe mbavha dzitevedzerewo hubhinya hwakadai.

Amai Jennifer Chimange vanoti maonero avo ndeekuti vanhu vari kuita hubhinya nemhirizhonga yakadai vari kuregerwa vachiita madiro aJojina nekuti vane vakuru-vakuru vanovatsigira.

Mumazuva mashoma apfuura paramende yakazivisisa kuti ichaita ongororo yekuedza kutsvaga kuti chii chiri kukonzera nyaya dzezvikwata-zvikwata zvevemabhemba izvi.

Veruzhinji vanoti vari kushamisika kuti sei zviri kutorera mapurisa nguva yakareba kuparadza "mashurugwi", izvo zvinonzi zviri kuzoita kuti vafunge kuti pane vari kuvachengetedza.

Mumiriri weGweru mudare reparamende, VaBrian Dube, avo vanovewo gweta vari nhengo yeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, vanoti zviri kuitika izvi zvinoratidza kuti munyika hamutevedzerwi mutemo sezvinogara zvichitaurwa nevebato ravo.

VaDube vanotsigirawo maonero ekuti vanhu vari kuita izvi havasungwi nekuti vanoshandiswa nevamwe vakuru mubato riri kutonga reZanu PF mukuita mhirizhonga yezvematongerwo enyika.

Taedza kunzwa divi remutauriri webato reZanu PF mudunhu reMidlands VaCornelius Mpereri vakati tiite zvekunyora mibvunzo yedu pasi asi vange vasati vapindura panguva yekuenda pamhepo.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu vanoti zvikwata zvevanhu ava hazvineyi nebato riri kutonga, asi kuti imbavha dziri kungobirawo veruzhinji. Vanoti bato reZanu PF ndiro rine huwandu muparamende zvekuti haringatadzi kumisa vanhu vari kuita zvehubhinya ava.

VaVincent Chakunda mudzidzisi wezvidzidzo zvepamusoro zvekutongwa kwematunhu pamwe nebudiriro uye muongorori wezvehupfumi akazvimirira.

Vanoti nyaya iyi haigoni kupera kana pakasave nekutaura nenzwi rakasimba kwevakuru venyika vachishora nyaya iyi.

VaChirumhanzu vanoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakatotaura kare nezwi guru pamusoro penyaya iyi, izvo zvave kuita kuti “mashurugwi” asungwe nehuwandu hwavo.

Kunyange hazvo vamwe vevanhu vari kuita humbavha nemhirizhonga yemabhemba vari kusungwa, vamwe vanhu havazi kugutsikana kuti mapurisa ari kuita basa rawo nemazvo panyaya iyi.

nekune rumwe rutivi, mapurisa mumatunhu akati kuti kusanganisira muGweru, akatodzika mutemo unorambidza kutakurwa kwemabhemba aya kanawo mapanga kwemwedzi mitatu.

Kusvika paonekwa nzira yekugadzirisa dambudziko iri risati rakomba, veruzhinji vacharamba vachifamba vakabatira ura mumaoko vachityira hupenyu hwavo kuti vangapondwa nemashurugwi aya.

Nyaya ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG