Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanoti Chimiro Chavo Chadzikira


Rural Teachers' Union of Zimbabwe
Rural Teachers' Union of Zimbabwe

Vamwe vadzidzisi vekumaruwa vanoti nekuda kwemari shoma yavanotambira, hupenyu hwavari kurarama huri kudzikisira chimiro chavo sevadzidzisi munharaunda dzavanodzidzisa.

VaBrighton Tsikira vanodzidzisa kumaruwa ekwaNemangwe kuGokwe South.

VaTsikira vane mudzimai asingashande, uye vane vana vatatu vari kuenda kuchikoro.

Vanoti vane rombo rakanaka kuti vanodzidzisa pedyo nekumusha kwavo izvo zvinoita kuti vabatsirikane nekuwana zvimwe zvinhu zvavanoda pakurarama zuva nezuva.

Asi vanoti hupenyu huri kuvawomera kuti vaendese vana vavo kuchikoro, sezvo mari yavanotambira iri shoma.

VaTsikira vanoti senzira yekuti vawane imwe mari inowedzera pane shoma yavanotambira, mudzimai wavo anopota achiita zvekutengesa.

Vadzidzisi vekumaruwa vangkwekue vachipiwa madhora gumi nematatu pamunhu ekuti vabatsirikane kuchitariswa matambudziko avanosangana nawo nekuda kwekuve kumaruwa. Asi VaTsikira vanoti mari iyi ishoma zvikuru zvekuti haina chainobatsira.

Muzvare Linia Nkiwane vanogara muguta reGweru asi vachidzidzisa kumaruwa ekwaChirumhanzu mudunhu reMidlands.

Muzvare Nkiwane vane vana vatatu vari kuenda kuchikoro uye vanotiwo vari kunetseka zvikuru kuti vavaendese kuchikoro.

Muzvare Nkiwane vanoti chimiro chevadzidzisi hachichina huremu mumaziso evazhinji, uye shuviro yavo hombe ndeyekuti hurumende ivape mugove wakaringana kuti chimiro ichi chigadziriswe.

Mumwe mudzidzisi ari kuchema chema nemari shoma yaanotambira, Muzvare Mary Mupatsi vanodzidzisa kuSilobela mudunhu reMidlands.

Muzvare Mupatsi vane mwana mumwe chete ari mu Grade 1 uye vanoti mari yavo yakawanda inoperera mukufamba vachienda kuchikoro nekudzoka kumba kwavo kuBulawayo nguva zhinji.

Vanoti vanoedza kuwana mari yekuwedzera yemuhoro nekupota vachichinja mari yekunze.

Muzvare Mupatsi, avo vave nemakore anopfuura masere vachidzidzisa, vanoti nekuda kwemari shoma yavanowana uye mararamiro avanoita, vanomboita pfungwa yekuda kusiya basa.

Mumwe murairidzi anoti akatarisana nedambudziko rekushomerwa nemari, ndiMuzvare Melissa Chingwanangwana, avo vanogarawo muguta reBulawayo, asi vachidzidzisa kumaruwa eMzingwane mudunhu reMatabeleland South.

Muzvare Chingwanangwana vanotsinhirawo maonero ekuti vadzidzisi vekumaruwa vakanyanya kuomerwa nehupenyu asi vanoti chinoita kuti varambe vachida kuita basa iri, inyaya yekuti riri pamoyo pavo.

Varairidzi vari kutambira mari inotangira pamazana masere ezviuru zvemadhora kusvika pachiuru chemadhora pamwedzi, inova mari shoma zvikuru takatarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi..

Bazi reZimbabwe National Statistics Agency rinoti mhuri ine vanhu vashanu inoda mari inosvika zviuru zvitatu nemazana maviri emadhora pamwedzi wega wega kuitira kuti irarame.

Mutungamiri weZimbabwe Congress of Trade Unions, VaPeter Mutasa, vanoti mihoro iri kutambiriswa vadzidzisi nevamwe vashandi vehurumende, inobvisa chimiro chevashandi.


Mumazuva mashoma apfuura hurumende yakazivisa kuti yawedzera vashandi mari nezvikamu makumi mapfumbamwe nezvinomwe kubva muzana.

Asi mamwe masangano anomiririra varairidzi kusanganisira reAmalgamated Rural Teachers’ of Zimbabwe, neProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, ari kuramba mari iyi achiti ishoma.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG