Vamwe vakoti vepachipatara cheUnited Bulawayo Hospitals, UBH, varatidzira neChina mangwanani vachiti havazi kufara nemari shoma yavanowana zvisineyi kuti hurumende yakawedzera nezuro mihoro yavo nezvikamu makumi mashanu kubva muzana.
Vakoti varatidzira paUBH vanga vachiimba uye vakabata zvinyorwa zvange zvakanyorwa zvakasiyana-siyana, senzira yekuratidza kusafara kwavo nemari shoma yavanoti vari kutambira.
Sachigaro wechikamu chepaUBH chesangano reZimbabwe Nurse Association, ZINA, VaAnthony Majongosi, vati vakoti havafanirwe
kubatwa sevamwe vashandi vose vehurumende vachiti vari kuisa hupenyu
hwavo panjodzi kunyanya panguva ino pavari kushanda kuine chirwere
cheCovid-19.
Sachigaro weZINA mudunhu reBulawayo, VaNicholas Chitore, vati vana
mukoti vari kuzvipira kushanda zvisinei nekuti nguva zhinji vanenge
vasina zvikwanisiro kusanganisira mbatya dzinobatsira kudzivirira kuti
vasawana hutachiwana hwecoronavirus. Asi vati hurumende haizi
kukoshesa kuzvipira kwakadai.
Pavapedza kuratidzira vana mukoti ava vadzokera pabasa asi vakawanda
vavo vange vasingashande.
Taedza kunzwa kubva kumukuru weUBH, Amai Nonhlanhla Ndlovu, asi vanzi vange vari mumusangano.
Hatinawo kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.
Vanoziva zviri kuitika vanoti vakoti vepachipatara cheMpilo havazi kukwanisa kuratidzira sevamwe vavo nekuti vakawanda vavo vakapinda pachirongwa chekuti vasasangane nevanhu vakawanda mushure mekunge pachipatara ichi paita vanhu vakabatwa neCovid-19 mwedzi wapera.
Mune imwewo nyaya, imwe kambani yeProvidence Human Capital inove
chikamu cheInnscor Africa, nemasangano anoti I am 4 Byo Against
Covid-19 neThorngrove Benevolent Community Trust, apa zvipo
zvinosanganisira mafiriji maviri, mbatya dzekudzivirira kupararira kweCovid-19, machira, pamwe nechikafu zvekubatsira mukurwisa chirwere cheCovid-19 mukanzuru yeguta reBulawayo.
Mukuru weProvidence Human Capital, Amai Buhle Ndlovu, vati vaona
zvakakodzera kuti kambani yavo iise ruoko rwayo pakubatsira kunyanya
kuchipatara cheThorngrove Hospital.
Meya weguta reBulawayo, VaSolomon Mguni, vatenda masangano aya
vakakurudzira veruzhinji kuti varambe vachichengetedza zvinokurudzirwa
nevehutano pakudzivirira kutapuriranwa kwehutachiwana hwecoronavirus, sezvo huwandu hwevanhu vari kubatwa naho huri kuramba huchikwira.
Facebook Forum