Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana neDzimwe Nyika Kucherechedza Zuva Rekuremekedza Vatori veNhau


Nemusi weSvondo Zimbabwe yakabatana nedzimwe nyika pasi rose kucherechedza zuva rekutorwa kwenhau zvakasungunuka kana kuti World Press Freedom Day. Zuva iri rakatanga kucherechedzwa gore roga roga musi wa 3 Chivabvu kutanga muna 1993 neUnited Nations kuburikidza nebazi reUNESCO.

Asi gore rino munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres vanoti basa revatori venhau rakanyanya kukosha pasi rino sezvo nyika dzakawanda dziri kurwisa chirwere checoronavirus. VaGutterres vanoti kurwisa chirwere ichi kunoda mashoko echokwadi sezvo vamwe vave kuparidza manyepo.

Dingindira regore rino rakanangana nekuti vatori venhau vashande vasingatye kana kurerekera divi

Mukuru wesangano reUNESCO Muzvare Audrey Azoulay vanoti zvakakosha kuti basa renhau riitwe pasina kupindira kwevezvematongerwo enyika kana vezvemabhizimisi sezvo kuchikanganisa basa iri.

Mukuru weMedia Institute of Southern Africa Zimbabwe VaTabani Moyo vanoti sangano ravo rinofara nedingindira iri vachiti rinotaura zvinhu zvavanogara vachitaura kuti hurumende inofanirwa kukoshesa. Asi vanoti maonero avo ndeekuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa haisi kuzadzikisa zvainotaura pakusimudzira mabasa enhau kana kufambiswa kwemashoko pasina kumbunyikidzwa.

Chipangamazano musangano reHuman Rights Watch uye vari gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga vanoti makore makumi mana nyika yawana kuzvitonga, hurumende ichine basa guru mukusimudzira kodzero dzine chekuita nekutapwa kwenhau kana kufambiswa kwemashoko.

Vanoti kana kuchitariswa Media Freedom Index iyo inotarisa kusununguka kwakaita nyika dzepasi rose munyaya idzi hazvifadzi kuti Zimbabwe inoramba iri pachinzvimbo chiri pasi.

Gweta VaChris Mhike avo vanozikanwa zvikuru mukurwira kodzero dzevatapi venhau vanoti kuvimbisa kwehurumende kuvandudza mitemo ine chekuita nenhau chinhu chakanaka zvikuru asi hurumende iri kunonoka kuita izvi.

Vanoti vanoshushikanawo nenyaya yekuti vatapi venhau vanoramba vachishungurudzwa nemapurisa pamwe nevechiuto kunyanya pakatanga kurudziro yekuti vanhu vagare mudzimba vachiti izvi hazvifanirwe kuitika munyika ine hutongi hwejekerere.

Mumashoko avo ekucherechedza zuva reWorld Press Freedom, gurukota rezvekufambiswa kwemashoko munyika, Amai Monica Mutsvangwa, vanoti hurumende yakazvipira kuzadzikisa zviga zveUnited Nations zvekuti vatori venhau vashande vakasungunuka. Vanoti hurumende iri kutora matanho ekuona kuti vatori venhau vashanda vakasungunuka vachivandudza mitemo yakaita seAIPPA nePOSA. Asi vanoti vatori venhau vacho vanofanirawo kuita basa nemazvo vasingawedzereredze. Vatiwo basa revatori venhau rakakosha zvikuru munguva ino yekurwisa coronavirus sezvo pachidiwa nhau dzechokwadi dzinobatsira vanhu.

Asi mukuru wesangano reZimbabwe Association of Community Radios, ZACRAS, Muzvare Vivienne Marara, vanoti pose panoshungurudzwa vatapi venhau vachiita basa ravo hurumende inofanirwa kubuda pachena ichishora izvi uye kutora matanho akasimba.

Muzvare Marara vanotiwo kunyange hazvo izvi zvakatora nguva chinhu chinofadza kuti munyika mave kuzova nenhepfenyuro dzemunharaunda, vachitiwo nhepfenyuro dzakadai dzakakosha kunyanyanya panguva ino yechirwere checoronavirus.

Vakambove mutapi wenhau uye vari mumiriri weMakonde mudare reparamende VaKindness Paradza vanobvuma kuti Zimbabwe yange yakasarira kumashure pane dzimwe nyika kunyanyanya munyaya dzekutepfenyura. Asi vanoti vari kugutsikana nekuvandudzwa kwemitemo ine chekuita nekutapwa kwenhau vachiti vatapi venhau pachavo vakapiwa mukana wekupa pfingwa dzavo pamitemo iyi.

Asi mutevedzeri wemutauriri webato rinopikisa reMDC VaLuke Tamborinyoka vanoti vatori venhau muZimbabwe vachiri kumbunyikidzwa zvakanyanya.

Mukuru wesangano reGender and Media Connect Amai Abigail Gamanya vanoti nyaya yekuchengetedzeka kwevatapi venhau kunyanya panguva ino yechirwere checoronavirus chinhu chakakosha zvikuru.

Amai Gamanya vanoti pachine rwendo rwurefu panyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume mumabasa ekutapwa kwenhu asi vanoti vari kufara kuti zvinhu zviri kushanduka sezvo makambani ane chekuita nekutapa nhau akawanda munyika ave nemitemo inokurudzira kuenzaniswa kwemikana uku.

Zuva reWorld Press Freedom Day rakatarwa nesangano reUnited Nations mugore ra1993 uye rinocherechedzwa pasi rose musi wa3 Chivabvu wega wega.

Pazuva iri vatapi venhau nevemasangano anorwira kodzero dzavo vanowanzoungana munzvimbo dzakasiyana-siyana kucherechedza zuva iri asi izvi hazvizi kukwanisika gore rino nekuda kwechirwere checoronavirus.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG