Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeGweru Yoramba Yakatsika Madziro paMitero


Gweru

Kanzuru yeguta reGweru inoti haikwanisi kudzikisa mitero yayakakwidza nepamusana pekuti makanzura haakwanise kusangana pari zvino nekuda kwechirwere checoronavirus.

Sezvavakataura kubvira pakakwidza kanzuru mitero mwedzi wapera, meya weguta reGweru, VaJosiah Makombe, vatsinhira kuti vanonzwisisa chose kuomerwa kwakaita vagari.

Asi vati kanzuru inongokwanisa chete kuita musangano wekuedza kugadzirisa nyaya iyi kana vapiwa mvumo nehurumende vachitiwo havakwanise kuita misangano nedzimwe nzira dzakadai sekushandisa indaneti nekuti makanzura haana zvikwanisiro.

Asi mumwe mugari, Amai Noreen Mutera, vati havafunge kuti kanzuru iri kurevesa panyaya iyi vachiti panguva ino iri kukurudzirwa kuti vanhu vasasangane vakawanda, vamwe vanhu vari kushandisa nzira dzakasiyana-siyana kuti vakwanise kuita misangano yavanenge vachifanirwa kuita.

Mukuru wesangano reGweru Residents and Ratepayers Association, VaCornelia Selipiwe, ndemumwe wevemasangano anomirira vagari ayo akaita musangano nameya nemusi weChipiri kuti vazeye nyaya yekukwidzwa kwemitero.

VaSelipiwe vati vanonzwisisa zvikonzero zviri kupihwa nekanzuru asi, havawone chingaita kuti makanzura awane dzimwe nzira dzekuti asangane sezvo nyaya iyi ichifanirwa kugadziriswa nekukasika.

Sachigaro wesangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe mudunhu reMidlands, Amai Alice Maqatha, vati vanhu vakawanda vari kuomerwa nehupenyu vakatiwokanzuru inofanirwa kukoshesa kugadziriswa kwenyaya iyi.

Mutevedzeri wegurukota rezvekutongwa kwematunhu, Amai Marian Chombo, vaudza Studio 7 parunhare kuti makanzuru ose ari kufanirwa kutanga azivisa hurumende kuti apiwe mvumo kana achida kuita misangano panguva ino yelockdown.

Pamubvunzo wekuti bazi ravo riri kuti chii nekuchema kuri kuita vagari vakawanda vemumaguta nemadhorobha emunyika nekuda kwekukwira kwemitero, Amai Chombo vati hapana zvakawanda zvavanokwanisa kutaura panyaya iyi vachiti kudzikiswa kwemitero kungaitwa chete kana nyaya iyi yabva kudare remakurukota.

Mudzidzisi wezvidzidzo zvepamusoro zvemamiriro ehupfumi nebudiriro uye vari muongorori akazvimirira, VaFelix Chari, vanoti makanzuru ari parumananzombe nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvehupfumi munyika.

Asi vati hazvibastire kuti makanzuru atare mitero isingakwanise kubhadharwa nevakawanda.

Kanzuru yeguta reGweru yakawkidza mitero mwedzi wapera mushure mekunge bazi rezvekutongwa kwematunhu rapasisa bhajeti yayo yemadhora bhiriyoni rimwe chete nemazana masere emamiriyoni emadhora kana kuti 1.8 billion dollars.

Izvi zvakaita kuti mitero mizhinji ikwire nezvikamu mazana mashanu kubva muzana, mimwe ichidarika.

Kusvika muna Zvita gore rapera, vagari nemabhizinesi vange vaine chikwereti chemamiriyoni makumi masere emadhora kukanzuru yeGweru.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG