Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inosvitsa Makore Makumi Mana Yawana Kuzvitonga


Mutungamiri Wenyika VaEmmerson Mnangagwao Vanovhura Zviri Pamutemo Musangano Wepagore Webato Ravo

Zimbabwe yasvitsa makore makumi mana erusununguko rwekuzvitonga vamwe vanhu vachirumbidza danho rakanga ratorwa nehurumende rekuti mhemberero dzegore rino dziitirwe muBulawayo, asi vamwe vachiti izvi hapana zvazvange zvichabatsira sezvo paine matambudziko akawanda mudunhu reMatabeleland asiri kugadziriswa nehurumende kubva nyika yawana kuzvitonga.

Mumashoko avo kuruzhinji rweZimbabwe abudiswa paZTV pakucherechedza zuva rekuwana kuzvitonga kwenyika, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati hurumende yaive yatora danho rekuitira mhemberero idzi muguta reBulawayo senzira yekuedza kusimudzira kubatana kwevanhu munyika.

Vatiwo danho iri range riri mucherechedzo wekuendesa masimba kumatunhu
sezvo kuita izvi riri donzvo guru rehurumende yavo.

Aka ndiko kange kachave kekutanga munhoroondo yenyika kuti mhemberero idzi dziitirwe kunze kweguta reHarare.

Munyori musangano reBulawayo United Residents Association, Amai Louisa Mangisi, vaudza Studio7 kuti kuitirwa kwemhemberero idzi muBulawayo kwange kuchabatsira vamwe vemabhizimisi uye kutiwo VaMnangagwa vanzwisise mamwe matambudziko akatarisana neveruzhini muBulawayo.

Mutauriri wevechidiki mubato reMDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani
Khupe, VaAlfred Dzirutwe, vatiwo zvange zvakanaka kuti mhemberero idzi
dziitirwe muBulawayo vachiti izvi zvaigona kubatsira kubvisa pfungwa
dzevakawanda vemunzvimbo iyi dzekuti vanoonekwa sevasiri vanhu
vemuZimbabwe.

Asi vati kuzvitonga hakurevi chinhu kana VaMnangagwa vasina kugadzirisa dambudziko guru reGukurahundi nezvimwe.

Imwe nhengo yeboka revechidiki reZanu PF uyo angozvidoma nezita rekuti
Pelagia ati danho rekuti mhemberero dziitirwe muBulawayo rinoratidza kuti mutungamiri wenyika munhu ane mutsa uye ane maitiro matsva.

Ati anoziva chose kutsutsumwa kwevanhu pamusoro penyaya yeGukurahundi nemamwe matambudziko, asi akati vanhu vanofanirwa kupa mutungamiri wenyika nguva yekuti agadzirise izvi.

Nhengo yeCentral Committee yebato reZanu PF uye vakambove mumiririri
weMpopoma mudare reparamende, VaJoseph Tshuma, vatsigirawo maonero aya vakati kune vamwe vanhu vanongoona zvakashata kunyange panenge paitwa zvakanaka vachitiwo vanhu vanofanirwa kusiya tsika yakadaro.

Asi mutauriri webato reZapu, VaIphithule Maphosa, vati hapana zvavanoona
mudanho raive ratorwa iri kunze kwekwavati kuda kubata vanhu kumeso
kwaVaMnangagwa nebato ravo reZAnu PF.

Mutauriri wedunhu reBulawayo muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaSwithern Chiroodza, vatiwo zvanga zvakanaka kuita mhemberero idzi muBulawayo asi vatisinhirawo kuti kuita mhemberero dzakadai pasina kugadzirisa matambudziko agara aripo muBulawayo nemumatunhu eMatabeleland hakuna zvakunobatsira.

Izvi zvatsinhirwa naAmai Barbara Tanyanyiwa vanove mutauriri weboka remadzimai rebato iri.

Mumashoko avatura, VaMnangagwa vatiwo vanokoshesa nhaurirano senzira
yekuti nyika ibude mumatabudziko ayakatarisana nawo.

Munyori mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reIbhetshu,
Likazulu VaMbuso Fuzwayo, vati VaMnangagwa havafanirwi kungotaura chete asi kuti vanofanirwa kuratidza nezviito kuti vanorevesa pakuda kugadzirisa zvinhu munyika.

Mukuru weAffirmative Action Group mudunhu reBulawayo, uye vari muongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira,VaReginald Shoko, vati nyaya yeGukurahundi haisi nyaya inofanirwa kuramba ichitaurwa nezvayo makore makumi matatu nematatu mushure mechibvumirano cheUnity Accord icho chakaitwa pakati peZanu PF neZAPU.

Vati panoda kuve nekuzvipira kwechokwadi kuti nyaya iyi igadziriswe zvachose.

Zimbabwe iri kucherechedza zuva rekuwana kuzvitonga kekutanga vanhu vachinzi vagare mudzimba dzavo senzira yekudzivirira chirwere cheCoronavirus, icho chabata vanhu makumi maviri nevana muZimbabwe, uye kuuraya vanhu vatatu munyika, uye pasi rose, chauraya vanhu vanodarika zviuru zana nemakumi mashanu nezvinomwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG